Shona

Romans

8

1Naizvozvo zvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi nenyama asi nemweya.2Nekuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurairo wechivi nerufu.3Nekuti zvakange zvisingagoni kuitwa nemurairo, pakuti wakange une utera kubudikidza nenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake nemufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;4kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi nenyama, asi nemweya.5Nekuti vari venyama vanorangarira zvinhu zvenyama asi vemweya zvinhu zvemweya.6Nekuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kwemweya upenyu nerugare;7nekuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nekuti hakuzviisi pasi pomurairo waMwari; uye hakugoniwo;8naizvozvo zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari.9Asi imwi hamusi munyama, asi mumweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari uchigara mamuri. Asi ani nani asina Mweya waKristu haazi wake.10Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.11Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kuvakafa uchamutsawo miviri yenyu inofa kubudikidza neMweya wake unogara mamuri.12Naizvozvo, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame zvinoenderana nenyama;13nekuti kana muchirarama panyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.14Nekuti vose vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.15Nekuti hamuna kugamuchira mweya weurandazve kuti mutye, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba.16Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;17zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhaka; vadyi venhaka vaMwari, vadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvakadaro kuti tinotambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe.18Nekuti ndinoona kuti matambudziko enguva ino haafaniri kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.19Nekuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari.20Nekuti chisikwa chakaiswa pasi pechisina maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi mutariro.21Nekuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.22Nekuti tinoziva kuti chisikwa chose chinogomera nekurwadziwa mumarwadzo pamwe kusvikira zvino.23Zvisati zviri izvo chete, asi isuwo, kunyange tine chibereko chekutanga chemweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndirwo rudzikunuro rwemuviri wedu.24Nekuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nekuti izvo munhu zvaanoona uchakazvitaririrei?25Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.26Saizvozvo Mweyawo unobatsira utera hwedu; nekuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvatinofanira; asi Mweya amene unotireverera nekugomera kusingatauriki;27zvino iye unonzvera moyo, ndiye unoziva fungwa dzeMweya, nekuti unoreverera vatsvene maererano naMwari.28Uye tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadamwa maererano nezano rake.29Nekuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nemufananidzo weMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji.30Pamusoro pazvo, avo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; ivo nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.31Zvino tichatiyi kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari wedu, ndiani uchatirwisa?32Iye usina kutongoomera neMwanakomana wake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tose, ungarega sei nayewo kutipa pachena zvinhu zvose?33Ndiani uchapa mhosva vasanangurwa vaMwari? NdiMwari unoruramisa;34ndiani unopa mhosva? ndiKristu wakafa, zvikuru wakamutswazve, uri kuruoko rwerudyi rwaMwari, unotirevererawo.35Ndiani uchatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?36Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rose; tinoverengwa semakwai okubayiwa.37Asi pazvinhu izvi zvose tinodarika vakundi kubudikidza naiye wakatida.38Nekuti ndinechokwadi kuti harwusi rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana ukuru ukuru, kana masimba, kana zvinhu zvazvino, kana zvinhu zvinouya,39kana urefu, kana udzamu, kana chimwe chisikwa chipi zvacho, chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.