Shona

Romans

7

1Hamuzivi here hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu kana achingorarama chete?2Nekuti mukadzi une murume wakasungwa nemurairo kumurume, kana achingova mupenyu chete; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.3Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, uchanzi chifeve kana akava womumwe murume, asi kana murume wake afa, wasununguka pamurairo uyu, kuti asava chifeve kana akava womumwe murume.4Naizvozvo hama dzangu nemwiwo makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu; kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kuvakafa, kuti tiberekere Mwari chibereko.5Nekuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva nokuda kwemurairo kwakabata mumitezo yedu kuberekera rufu chibereko.6Asi zvino takasunungurwa pamurairo, kuti takafa kune izvozvo zvakange zvakatibata kuti tishumire neutsva hwemweya, kwete neutsaru hwemagwaro.7Zvino tichatiyi? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handizaiziva chivi kunze kwekubudikidza nemurairo; nekuti handizaiziva ruchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva.8Asi chivi chakawana mukana nemurairo, chikaita mandiri mitoo yese yeruchiva; nekuti pasina murairo chivi chakafa.9Ini ndaiva mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakamuka, ini ndikafa;10uye murairo waiva weupenyu, wakawanikwa neni wava werufu;11nekuti chivi, chakawana mukana nemurairo, chikandinyengera chikandiponda nawo.12Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene wakarurama, uye wakanaka.13Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.14Nekuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.15Nekuti izvo zvandinoita handizvitenderi; nekuti zvandinoda handiiti izvo; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.16Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.17Zvino handisisiri ini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri.18Nekuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nekuti kuda kurimo mandiri, asi kuita izvo zvakanaka handikuwani.19Nekuti zvakanaka zvandinoda handiiti; asi zvakaipa zvandisingadi, izvo ndinoita.20Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, handisisiri ini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri.21Naizvozvo ndinowana murairo kuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.22Nekuti ndinofara mumurairo waMwari nemunhu wemukati;23asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu, uchirwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.24Ndiri munhu unoshungurudzika! Ndiani uchandisunungura pamuviri werufu urwu?25Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.