Shona

Romans

6

1Zvino tichatiyi? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?2Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?3Ko hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?4Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu pakubhabhatidzwa; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe pautsva hweupenyu.5Nekuti kana takasimwa pamwe pakufanana korufu rwake, tichadarowo pakumuka;6tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe kuti tisachiva tinoshumira chivi;7nekuti uyo wakafa wasunungurwa pachivi.8Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;9tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa haachazofizve; rufu haruchazovi nesimba pamusoro pake.10Nekuti pane izvi wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti mupenyu, mupenyu kuna Mwari.11Saizvozvo nemwiwo muzviverenge semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi vapenyu kuna Mwari kubudikidza naKristu Jesu Ishe wedu.12Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo;13kana kupa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari, sevapenyu kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.14Nekuti chivi hachitongi pamusoro penyu; nekuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.15Zvino tichatiyi? Tichatadza here, nekuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!16Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?17Asi Mwari ngaavongwe, kuti imwi maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakakumikidzwa kwairi,18uye masunungurwa kubva pachivi, makava varanda vekururama.19Ndinotaura semutauriro wevanhu, nekuda kweutera hwenyama yenyu; nekuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina, neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo zvino ipai mitezo yenyu ive varanda vekururama kunoisa kuutsvene.20Nekuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama.21Zvino maiva nezvibereko zvei pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo zvino? Nekuti kuguma kwezvinhu izvo rufu.22Asi zvino zvamakasunungurwa pachivi, mukava varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo upenyu hwusingaperi.23Nekuti mubairo wechivi rufu; asi chipo chenyasha chaMwari upenyu hwusingaperi kubudikidza naKristu Jesu Ishe wedu.