Shona

Romans

5

1Naizvozvo zvatinonzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu;2watakawanawo naye mapindiro nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri; tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.3Zvisati zviri izvo chete, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouyisa kutsungirira;4kutsungirira kusimba; nekusimba tariro;5tariro hainyadzisi, nekuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene unopiwa kwatiri.6Nekuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.7Nekuti zvinorema kuti umwe afire munhu wakarurama; nekuti zvimwe kungava neumwe ungatsunga kufira wakanaka.8Asi Mwari unosimbisa rudo rwake omene kwatiri, pakuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.9Zvikuru zvino zvatinonzi hatina mhosva neropa rake, tichaponeswa kubudikidza naye pahasha.10Nekuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya kana tichiyananiswa tichaponeswa neupenyu hwake;11zvisati zviri saizvozvo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa.12Naizvozvo chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi; naizvozvo rufu rwakapfuurira kumunhu wose, nekuti vose vakatadza;13nekuti kusvika murairo wavapo chivi chakanga chiri panyika; nekuti chivi hachiverengerwi pasinomurairo.14Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange nepamusoro pevasina kutadza sezvakaita mufananidzo wokudarika kwaAdhamu, unova iye mufananidzo wewakange achizouya.15Asi hazvina kuita sekudarika, zvakaitawo chipo chekungopiwa pachena. Nekuti kana kubudikidza nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzemunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.16Asi chipo hachina kuita seumwe unotadza; nekuti kutonga kwaiva neumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukururamiswa.17Nekuti kana nekudarika kwemumwe rufu rwakatonga naiyeyu oga kunyanyisa, avo vanogamuchira kuwanda kwenyasha, nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu kubudikidza neumwe, Jesu Kristu.18Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nekudarika kweumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya pamusoro pevanhu vose, zvikapa kururamisirwa kuupenyu.19Nekuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvo nekuteerera kwemumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.20Asi murairo wakapinda kuti kudarika kuwande; asi zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;21kuti kunyange chivi sezvachakatonga parufu, saizvozvo nyasha dzitongewo kubudikidza nekururama kusvika kuupenyu hwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.