Shona

Ruth

3

1Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here?2Zvino Bhowasi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro.3Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguvo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokumwa.4Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita.5Akati kwaari, Zvose zvamunondiudza ndichazviita.6Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake.7Zvino Bhowasi wakati apedza kudya nokumwa, moyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.8Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake.9Akati, Ndiwe aniko? Akapindura akati, Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguvo yenyu, nekuti muri hama yomumba.10Ipapo iye akati, Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nekuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nekuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi.11Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nekuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.12Zvino zvirokwazvo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kune imwe hama iri pedo kupfuura ini.13Vata hako usiku hwuno; zvino mangwana, kana iye achida kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndizvo hazvo; ngaaite zvinofanira kuitwa nehama; asi kana asingadi kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ini ndichakuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehovha mupenyu; chivata hako kusvikira mangwana.14Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. nekuti wakati, Ngazvirege kuzikamwa, kuti mukadzi wakauya paburiro.15Akati, Uya nenguvo yawakafuka, uibate, akaibata, iye akayera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza akapinda muguta.16Zvino wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo vakati, Zvazodiniko mwana wangu? Akavaudza zvose zvaakanga aitirwa nomurume uya.17Akati, Iye wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari, nekuti wakati, Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.18Zvino vakati, Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nekuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi.