Shona

Ruth

4

1Zvino Bhowasi wakakwira kusuwo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhowasi, ndokupfuura napo; akati kwaari, Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi. Iye akatsauka, akagara pasi.2Akatora varume gumi kuvakuru veguta, akati, Garai pasi pano. Ivo vakagara pasi.3Zvino akati kuhama yomumba, Naomi, uya wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu, unoda kutengesa mugove wenyika waiva womunin'ina wedu Erimereki;4ndakati ndichakuudza izvozvo, ndichiti, Chiutenga pamberi pavanhu vagere pano, napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikunura, undiudze, chiudzikunura hako, asi kana usingadi kuudzikunura, ndiudze, ndizive, nekuti hakuna ungaudzikunura asi iwe; unokutevera ndini. Akati, Ndichaudzikunura ini.5Zvino Bhowasi akati, Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake.6Hama iyo yomumba ikati, Handigoni kuzvidzikunurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikunura, nekuti ini handigoni kuudzikunura.7Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavalsiraeri kana vachidzikunura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutowo wokupupura nawo pavalsiraeri.8Zvino hama iyo yomumba ikati kuna Bhowasi, Chizvitengera hako uyo. Akabvisa shangu yake.9Zvino Bhowasi akati kuvakuru nokuvanhu vose, imwi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naomi zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni.10Ndatengawo Rute muMoabhu, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kurova pakati pehama dzake napasuwo renzvimbo yake; imwi muri zvapupu nhasi.11Zvino vanhu vose vakanga vari pasuwo navakuru vakati, Tiri zvapupu hedu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsiraeri; newewo uve nesimba paEfurata, ukurumbire paBheterehemu;12imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku.13Ipapo Bhowasi akawana Rute, akava mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehovha akamutoresa mimba, akapona mwanakomana.14Zvino vakadzi vakati kuna Naomi, Jehovha ngaakudzwe, usina kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsiraeri.15Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nekuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka.16Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake.17Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, Naomi wakaponerwa mwanakomana, vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi.18Zvino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi;19Hezironi akabereka Rami, Rami akabereka Aminadhabhi;20Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni;21Sarimoni akabereka Bhowasi, Bhowasi akabereka Obhedhi;22Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.