1Rwiyo rukuru rwaSoromoni.2Ngaanditsvode nokutsvoda komuromo wake; nekuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.3Zvizoro zvako zvinonhuhwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda.4Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarira zvikuru iwe; Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini; Zvakarurama zvavakakuda.5Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, imwi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.6Musanditarira, zvandakasviba, nekuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindikadzi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.7Ndiudze iwe, unodikamwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; nekuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?8Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi.9Ndakakufananidzira iwe, shamwari yangu, Nebhizagadzi pakati pengoro dzaFarao.10Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.11Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha.12Nguva yose mambo agere patafura yake, Nadho yangu yakabudisa kunhuhwira kwayo.13Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura, Inogara pakati pamazamu angu.14Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemizambiringa paEngedhi.15Tarira, wakanaka, shamwari yangu; Tarira, wakanaka; Meso ako akafanana neenjiva.16Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato bwedu ndipo pabumhudza.17Matanda edzimba dzedu ndeemisidhari; Mbariro dzayo ndedzemisiperesi.