1Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani.2Seruva pakati pemhinzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.3Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukamwa wangu.4Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.5Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; nekuti ndinorwara norudo.6Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.7Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo kusvikira iye ada omene.8Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo.9Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri korusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.10Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!11Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda;12Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.13Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuhwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya!14Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; nekuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.15Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; nekuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva.16Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.17Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri.