1Usiku, ndiri panhovo dzangu, Ndakamutsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana.2Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikamwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana.3Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, Matongoona anodikamwa nomweya wangu here?4Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikamwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.5Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Nemharapara kana nondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.6Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzohutsi, Anonhuhwira nemura nezvinonhuhwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi?7Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri.8Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku.9Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa chamatanda eRebhanoni.10Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, chigaro chacho nomucheka mutsvuku, . Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu.11Budai, imwi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womoyo wake.