Shona

Song of Solomon

5

1Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuhwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndamwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Imwai, zvirokwazvo, imwai zvikuru, vadiwa vangu.2Ndakanga ndivete, asi moyo wangu wakange wakasvinura; Inzwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; nekuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.3Ndabvisa nguvo yangu; ndingaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavuri romukova, moyo wangu ukamushuva.5Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu; Maoko angu akadonha mura, Nemimwe yangu mura inoyerera, Pazvibato zvechizarira.6Ndakazarurira mudiwa wangu; Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda. Mweya wangu wakange watorwa pakutaura kwake; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana; Ndikamudana, asi haana kundipindura.7Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Vakandirova, vakandikuvadza; Vatariri vamasvingo vakanditorera kwiriti yangu.8Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Kana mukawana mudiwa wangu, muchamuudzei? Kuti ndinorwariswa nerudo.9Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko, Zvaunotipikira saizvozvo?10Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikamwa pakati pezana ramazana.11Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguvo.12Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka.13Matama ake akaita sendima yemiti inonhuhwira, Samatutu emakwenzi anonhuwira; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera.14Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.15Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.16Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo-kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, imwi vakunda veJerusaremu.