1Mudiwa wako akaendepiko, Iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Mudiwa wako wakaringirepiko, Kuti timutsvake pamwechete newe?2Mudiwa wangu wakadzira kumunda wake, Kundima dzemiti inonhuhwira, Kufudza makwai ake muminda,nokutanha maruva.3Ini ndiri womudiwa wangu; mudiwa wangu ndowangu; Anofudza makwai ake pakati pamaruva.4Wakanaka, shamwari yangu saTiriza, Wakanaka seJerusaremu, Unotyisa sehondo ine mireza.5Usanditarira nameso ako, nekuti andikunda. Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.6Meno aka akafanana neboka renhunzvi dzamakwai, Dzinobva pakushambwa; Rimwe nerimwe radzo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.7Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.8Vahosi vana makumi matanhatu navarongo vana makumi masere variko, Nemhandara dzisingaperi.9Njiva yangu, akakwana wangu, ndiye mumwe oga; Ndiye mwana mumwe woga wamai vake; Ndiye musanangurwa wowakamubereka; Vakunda vakamuona, vakati akaropafadzwa; Navahosi navarongo, vakamurumbidza.10Ndianiko uyo anotarira samambakwedza, Akanaka somwedzi, Akachena sezuva, Anotyisa sehondo ine mireza?11Ndakaburukira kumunda wenzungu, Kuti ndione miti mitema mumupata, Kuti ndione kana muzambiringa wotunga, kana matamba otunga maruva.12Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandigadza pangoro dzoumambo dzavanhu vangu.13Dzoka, dzoka, Shuramiti; Dzoka, dzoka, kuti tikutarire. Munoda kutarira muShuramiti neiko, Sezvamunotarira kutamba kwendaza mbiri?