1屬靈的恩賜弟兄們,關於屬靈的恩賜,我不願意你們不明白。
1Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.
2你們知道,你們還是教外人的時候,總是受迷惑被引誘,去拜那不能說話的偶像。
2Munoziva kuti maiva vahedheni, muchitungamirirwa kuzvifananidzo izvi mbeveve, sevanokwehwa.
3所以我要你們知道,被 神的靈感動而說話的人,沒有一個會說“耶穌是可咒詛的”;除非是被聖靈感動,也沒有人能說“耶穌是主”。
3Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu unotaura neMweya waMwari unoti: Jesu rushambwa; Uye hakuna munhu ungati: Jesu ndiIshe, kunze kwekuda kweMweya Mutsvene.
4恩賜有許多種,卻是同一位聖靈所賜的;
4Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.
5服事的職分有許多種,但是同一位主;
5Uye kune nzira dzakasiyana dzekushumira, asi Ishe mumwe.
6工作的方式也有許多種,但仍是一位 神,是他在眾人裡面作成一切。
6Kuti marudzi amabasa akasiyana siyana, asi ndiMwari mumwe, iye unobata zvose mune vose.
7聖靈顯現在各人的身上,為的是要使人得著益處。
7Asi umwe neumwe unopiwa kuratidza kweMweya, kune zvinobatsira.
8有人藉著聖靈領受了智慧的言語,又有人靠著同一位聖靈領受了知識的言語,
8Nekuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo neMweya iwoyu,
9又有人因著同一位聖靈領受了信心,還有人因著這位聖靈領受了醫病的恩賜,
9nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune mumwe zvipo zvekuporesa neMweya iwoyu,
10另有人可以行神蹟,另有人可以講道,另有人可以辨別諸靈,也有人能說各種的方言,也有人能翻譯方言。
10nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe kuporofita, nekune umwe kunzwisisa zvemweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;
11這一切都是這同一位聖靈所作的,他按照自己的意思個別地分給各人。
11asi izvi zvose zvinoitwa neMweya iwoyu mumwe chete, unogovera umwe neumwe sezvaanoda.
12正如身體是一個,卻有許多肢體,而且肢體雖然很多,身體仍是一個;基督也是這樣。
12Nekuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yose yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri umwe; wakadarowo Kristu.
13我們無論是猶太人,是希臘人,是作奴隸的,是自由的,都在那一位聖靈裡受了洗,成為一個身體,都飲了那一位聖靈。
13Nekuti neMweya umwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri umwe; kana vaJudha kana vaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; isu tose takamwiswa paMweya umwe.
14原來身體有許多肢體,並不是只有一個肢體。
14Nekuti muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.
15假如腳說:“我不是手,所以我不屬於身體。”它不能因此就不屬於身體。
15Kana rutsoka rukati: Nekuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi, harwusi rwemuviri here,
16假如耳朵說:“我不是眼睛,所以我不屬於身體。”它也不能因此就不屬於身體。
16Nenzeve kana ikati: Nekuti handisi ziso, handisi wemuviri; nekuda kwezvizvi haizi yemuviri here?
17假如整個身體只是眼睛,怎樣聽呢?假如整個身體只是耳朵,怎樣聞味呢?
17Dai muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wose waiva kunzwa, kunhuwidza kungadai kuripi?
18但現在 神按照自己的意思,把肢體一一放在身體上。
18Asi zvino Mwari wakagadza mutezo umwe neumwe pamuviri sezvaakada.
19假如所有的只是一個肢體,怎能算是身體呢?
19Asi kana yose yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?
20但現在肢體雖然很多,身體卻只是一個。
20Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.
21眼睛不能對手說:“我不需要你。”頭也不能對腳說:“我不需要你們。”
21Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe;
22相反地,身體上那些似乎比較軟弱的肢體,更是不可缺少的。
22Asi zvikuru mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba, ndiyo inodikamwa;
23我們認為身體上不大體面的部分,就更加要把它裝飾得體面;不大美觀的部分,就更加要使它美觀。
23naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka, kunaka kwakawedzerwa;
24我們身體上美觀的部分,就不需要這樣了。但 神卻這樣把身體組成了:格外地把體面加給比較有缺欠的肢體,
24asi yedu yakanaka haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, achipa rukudzo rukuru kune iyo yaishayiwa,
25好使肢體能夠互相照顧,免得身體上有了分裂。
25kuti parege kuva nokupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.
26如果一個肢體受苦,所有的肢體就一同受苦;如果一個肢體得榮耀,所有的肢體就一同快樂。
26Kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe nawo.
27你們就是基督的身體,並且每一個人都是作肢體的。
27Zvino imwi muri muviri waKristu, nemutezo umwe neumwe.
28 神在教會裡所設立的,第一是使徒,第二是先知,第三是教師,其次是行神蹟的,再其次是有醫病恩賜的,幫助人的,治理事的,說各種方言的。
28Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana siyana.
29難道都是使徒嗎?都是先知嗎?都是教師嗎?都是行神蹟的嗎?
29Vose vaapositori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose mabasa esimba here?
30都是有醫病恩賜的嗎?都是說方言的嗎?都是翻譯方言的嗎?
30Vose vane zvipo zvekuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?
31你們卻要熱切地追求那些更大的恩賜。現在我要把更高的道路指示你們。
31Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye zvakadaro ndinokuratidzai nzira yakaisvonaka kupfuura dzose.