聖經新譯本

Shona

1 Corinthians

13

1信望愛中最大的是愛我若能說世人和天使的方言,卻沒有愛,我就成了鳴的鑼、響的鈸一樣。
1Kunyange ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava sendarira inorira, kana chigwagwagwa chinongwerengwedza.
2我若有先知講道的恩賜,也明白各樣的奧祕,各樣的知識;並且有全備的信,叫我能夠移山,卻沒有愛,我就算不得甚麼。
2Kunyange ndine chiporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, neruzivo rwose; uye kunyange ndine rutendo rwose, zvekuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handisi chinhu.
3我若把一切所有的分給人,又捨己身被人焚燒,卻沒有愛,對我仍然毫無益處。
3Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikapa muviri wangu kuti ndipiswe ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
4愛是恆久忍耐,又有恩慈。愛是不嫉妒,不自誇,不張狂;
4Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,
5不作失禮的事,不求自己的益處,不輕易動怒,不計較人的過犯;
5harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo; harwugumbuswi nhando, harwunanzereri zvakaipa;
6不喜歡不義,只喜歡真理。
6harwufari mukusarurama, asi rwunofara muchokwadi;
7愛是凡事包容,凡事相信,凡事盼望,凡事忍耐。
7rwunotakura zvinhu zvose, rwunotenda zvinhu zvose, rwunotarisira zvinhu zvose, rwunotsungirira zvinhu zvose.
8愛是永存不息的。先知的講道終必過去,方言終必停止,知識終必消失。
8Rudo harwutongokundikani. Zvino kana zviri zviporofita, zvichakundikana; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana guri ruzivo, rwuchanyangariswa.
9因為我們現在所知道的,只是一部分;所講的道也只是一部分;
9Nekuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;
10等那完全的來到,這部分的就要過去了。
10asi kana zvakazara zvasvika, izvo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.
11我作孩子的時候,說話像孩子,心思像孩子,想法像孩子,既然長大了,就把孩子的事都丟棄了。
11Pandakanga ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; zvino pandakava murume, ndakabvisa zveucheche.
12我們現在是對著鏡子觀看,模糊不清,到那時就要面對面了。我現在所知道的只是一部分,到那時就完全知道了,好像主完全知道我一樣。
12Nekuti ikozvino tinoona nepachioni-oni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso zvakatarisana; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikamwa neniwo.
13現在常存的有信、望、愛這三樣,其中最大的是愛。
13Ikozvino rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.