1講道與說方言的恩賜你們要追求愛,也要熱切地渴慕屬靈的恩賜,特別是先知講道的恩賜。
1Teverai rudo; mushuve zvikuru zveMweya, asi zvikuru kuti muporofite.
2原來那說方言的不是對人說,而是對 神說,因為沒有人能聽得懂;他是在靈裡講奧祕的事。
2Nekuti unotaura nerumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nekuti hakuna unomunzwisisa; asi muMweya unotaura zvakavanzika.
3但那講道的是對人講說,使他們得著造就、安慰和勸勉。
3Asi uyo unoporofita unotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.
4那說方言的是造就自己,但那講道的是造就教會。
4Unotaura nerurimi unozvivaka iye; asi unoporofita unovaka kereke.
5我願意你們都說方言,但我更願意你們都講道;因為那說方言的,如果不翻譯出來使教會得著造就,就遠不如那講道的了。
5Uye ndinoda kuti imwi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nekuti unoporofita mukuru kune unotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kurudziro.
6弟兄們,你們想想,如果我到你們那裡去,只說方言,不向你們講有關啟示、知識、預言,或教訓的話,那我對你們有甚麼益處呢?
6Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei kunze kwekuti ndichitaura nemwi mukuzarurirwa, kana muruzivo, kana mukuporofita, kana mudzidziso?
7甚至那些沒有生命卻能發聲的東西,例如簫或琴,如果音調不分,怎能使人知道所彈所奏的是甚麼呢?
7Uye kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikamwa seiko chinoridzwa nyere kana rudimbwa?
8又如果軍號所發的聲音不清楚,誰會準備作戰呢?
8Nekuti kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani ungazvigadzira kundorwa?
9你們也是這樣,如果用舌頭發出人聽不懂的話來,人怎會知道你所講的是甚麼呢?這樣,你們就是向空氣說話了。
9Saizvozvowo imwi, kana musingatauri nerurimi mashoko akareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikamwa sei? Nekuti muchataura kumhepo.
10世上有那麼多種語言,但沒有一種是沒有意義的。
10Kune, kana zvingadaro, manzwi ane marudzi mazhinji panyika, hakuna rimwe rawo risingarevi chinhu.
11我若不明白某一種語言的意思,在那講的人來看,我就是個外國人;在我來說,那講話的人也是個外國人。
11Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava semunhu werumwe rurimi kune unotaura, neunotaura semunhu werumwe rurimi kwandiri.
12你們也是這樣,你們既然熱切地渴慕屬靈的恩賜,就應當追求多多得著造就教會的恩賜。
12Saizvozvo imwiwo, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai zvikuru kuti mupfuurise pakuvaka kereke.
13所以,說方言的應當祈求,使他能把方言翻譯出來。
13Naizvozvo unotaura nerumwe rurimi ngaanyengetere kuti adudzire.
14我若用方言禱告,是我的靈在禱告,我的理智並沒有作用。
14Nekuti kana ndichinyengetera nerumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu dzinoshaiwa chibereko.
15那麼我應當怎樣行呢?我要用靈禱告,也要用理智禱告;我要用靈歌唱,也要用理智歌唱。
15Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.
16不然,如果你用靈讚美,在場那些不明白的人,因為不知道你在說甚麼,怎能在你感謝的時候說“阿們”呢?
16Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nemweya, ko uyo ugere pachigaro cheusina kudzidza uchati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?
17你感謝固然是好,但別人卻得不著造就。
17Nekuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haasimbiswi.
18我感謝 神,我說方言比你們大家都多。
18Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mose;
19但在教會中,我寧願用理智說五句話去教導人,勝過用方言說萬句話。
19asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.
20弟兄們,你們在思想上不要作小孩子,卻要在惡事上作嬰孩,在思想上作成年人。
20Hama, musava vacheche pafungwa, asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.
21律法上記著說:“主說:我要藉著說別種話的人,用外國人的嘴唇,對這人民說話;雖然這樣,他們還是不聽我。”
21Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye nemimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.
22可見說方言不是要給信主的人作記號,而是要給未信的人;講道不是要給未信的人,而是要給信主的人作記號。
22Saka ndimi ndedzechiratidzo kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chavasingatendi, asi chavanotenda.
23所以,如果全教會聚在一起的時候,大家都說方言,有不明白的人或未信的人進來,不是要說你們瘋了嗎?
23Naizvozvo kana kereke yose yaungana panzvimbo imwe, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda havati munopenga here?
24如果大家都講道,有未信的人或不明白的人進來,他就會被眾人勸服而知罪,被眾人審問了。
24Asi kana vose vakaporofita, mumwe usingatendi kana usina kudzidza akapinda, uchatendiswa nevose, aongororwe nevose;
25他心裡隱祕的事被顯露出來,他就必俯伏敬拜 神,宣告說:“ 神真的是在你們中間了。”
25saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinozarurwa; saizvozvo uchawa nechiso achinamata Mwari, nokupupura kuti Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.
26 神不是混亂而是和平的弟兄們,那麼應該怎麼辦呢?你們聚集在一起的時候,各人或有詩歌,或有教訓,或有啟示,或有方言,或有翻譯出來的話,一切都應該能造就人。
26Zvino chii, hama? Poga poga pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane rumwe rurimi ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvose ngazviitirwe kuvaka.
27如果有人說方言,只可以有兩個人,或最多三個人,並且要輪流說,同時要有一個人翻譯。
27Kana mumwe achitaura nerumwe rurimi, ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.
28如果沒有人翻譯,他就應當在會中閉口,只對自己和對 神說好了。
28Asi kana pasina unodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye nekuna Mwari.
29講道的,也只可以兩三個人講,其餘的人要衡量他們所講的。
29Vaporofita ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavanzvere.
30在座的有人得了啟示,那先講的人就應當住口。
30Asi kana zvakazarurirwa mumwe ugerepo, wekutanga ngaanyarare.
31因為你們都可以輪流講道,好讓大家都可以學習,都可以得到勉勵。
31Nekuti mose mungaporofita muchiita umwe-umwe, kuti vose vadzidze, uye vose vakurudzirwe.
32先知的靈是受先知控制的,
32Nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.
33因為 神不是混亂的,而是和平的。
33Nekuti Mwari haazi wenyonganyonga, asi werugare, sapakereke dzose dzevatsvene.
34婦女在聚會中應當閉口,好像在聖徒的眾教會中一樣,因為她們是不准講話的;就如律法所說的,她們應該順服。
34Vanhukadzi venyu ngavanyarare mudzikereke; nekuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.
35如果她們想要學甚麼,可以在家裡問自己的丈夫,因為婦女在聚會中講話原是可恥的。
35Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nekuti chinyadzo kuti vanhukadzi vataure mukereke.
36難道 神的道是從你們出來的嗎?是單單臨到你們的嗎?
36Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?
37如果有人自以為是先知或是屬靈的,他就應該知道我寫給你們的是主的命令;
37Kana munhu achifunga kuti muporofita, kana wemweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai murairo waIshe;
38如果有人不理會,別人也不必理會他。
38Asi kana munhu asingazivi, ngaave usingazivi.
39所以我的弟兄們,你們要熱切地追求講道的恩賜,也不要禁止說方言。
39Saka, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.
40凡事都要規規矩矩地按著次序行。
40Asi zinhu zvose ngazviitwe nemutowo wakafanira zvichitevedzana.