1要為萬人禱告因此,我勸你最重要的是要為萬人、君王和一切有權位的懇求、禱告、代求和感恩,好讓我們可以敬虔莊重地過平靜安穩的日子。
1Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vose;
2
2Nekuti madzimambo nevose vari panzvimbo dzakakwirira kuti tigare upenyu hwerugare nerunyararo pauMwari hwose nerukudzo;
3在我們的救主 神看來,這是美好的,可蒙悅納的。
3nekuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,
4他願意萬人得救,並且充分認識真理。
4uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, uye vasvike pakuziva chokwadi.
5因為 神只有一位,在 神和人中間也只有一位中保,就是降世為人的基督耶穌。
5Nekuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
6他捨了自己作萬人的贖價,到了適當的時候,這事就證實了。
6wakazvipa amene kuva rudzikunuro rwevose, chive chapupu panguva dzakafanira,
7為了這事,我也被派作傳道的和使徒(我說的是真話,不是謊言),在信仰和真理上作外族人的教師。
7icho chandagadzirwa kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu, handirevi nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.
8敬畏 神的女人因此,我願意男人沒有忿怒,沒有爭論,舉起聖潔的手隨處禱告。
8Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nekupikisana.
9照樣,我也願意女人以端正、嫻淑、自律為裝飾;不要以鬈髮、金飾、珠寶,或名貴衣裳為裝飾,
9Saizvozvowo, kuti vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana ndarama, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura,
10卻要以善行作裝飾,這才配稱為敬畏 神的女人。
10asi zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari nemabasa akanaka.
11女人應該安靜而又完全順服地學習。
11Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzviisa pasi kose.
12我不准女人教訓男人,轄制男人;女人總要安靜。
12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.
13因為先造的是亞當,後造的是夏娃;
13Nekuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;
14不是亞當受了引誘,而是女人受了引誘,陷在過犯裡面。
14naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,
15然而女人要是常常存著信心、愛心、聖潔自律,在她生育的事上必定得救。
15asi vachaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo, neutsvene nekuzvidzora.