聖經新譯本

Shona

2 Thessalonians

3

1祈求主的道快快傳開最後,弟兄們,請為我們禱告,好叫主的道也像在你們那裡一樣快快傳開,得著榮耀,
1Pakupedzisira, hama, tinyengetererei, kuti shoko raIshe rimhanye nekukudzwa kunyange sezvinoitwa nemwi;
2也使我們能夠脫離那些不講理的惡人,因為不是人人都有信心。
2uye kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama nevakaipa; nekuti rutendo harwusi rwevose.
3主是信實的,他必堅定你們,保護你們脫離那惡者。
3Asi Ishe wakatendeka, uchakusimbisai, nekukuchengetai kune wakaipa.
4我們靠著主深深相信,你們現在以及將來都會遵行我們所吩咐的,
4Uye tine chivimbo muna Ishe maererano nemwi, kuti munoita zvinhu zvose zvatinokurairai uye muchazviita.
5願主引導你們的心,使你們有 神的愛和基督的堅忍。
5Asi Ishe ngaatungamirire moyo yenyu murudo rwaMwari, nemumoyo murefu waKristu.
6不可遊手好閒弟兄們,我們奉主耶穌基督的名吩咐你們,凡是遊手好閒的弟兄,不按著你們從我們所領受的教訓去行,就應當遠離他。
6Zvino tinokurairai hama muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti muzviraure pahama imwe neimwe inofamba zvisakafanira uye kwete nemirairo yamakagamuchira kwatiri;
7你們自己本來就知道應當怎樣效法我們,因為我們在你們中間並沒有遊手好閒,
7Nekuti imwi mumene munoziva kuti munofanira kutitevera sei, nekuti hatina kufamba zvisakafanira pakati penyu;
8也沒有白吃過誰的飯,反而辛苦勞碌,晝夜作工,免得加重你們任何一人的負擔。
8uye hatina kudya chikafu chemunhu pachena, asi takashingaira nekushanda nekutambudzika siku nesikati, kuti tisava mutoro kune umwe wenyu;
9這不是因為我們沒有權利,而是要給你們作榜樣,好讓你們效法我們。
9kwete nekuti hatina mvumo, asi kuti tipe muenzaniso kwamuri kuti mutitevere.
10我們在你們那裡的時候,曾經吩咐過你們,如果有人不肯作工,就不可吃飯。
10Nekuti kunyange pataiva nemwi, takakurairai izvi, kuti: Kana umwe asingadi kushanda, ngaarege kudyawo.
11因為我們聽說,你們中間有人遊手好閒,甚麼工也不作,反倒專管閒事。
11Nekuti tinonzwa kuti kune vamwe vanofamba pakati penyu zvisakafanira, vasingatongoshandi zvachose, asi vachiita zvisina maturo.
12我們靠著主耶穌基督,吩咐勸戒這樣的人,要安靜作工,自食其力。
12Zvino avo vakadaro tinoraira nekukurudzira kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, kuti vashande nekunyarara vadye chikafu chavo.
13弟兄們,你們行善不可灰心。
13Asi imwi, hama, musaneta pakuita zvakanaka.
14如果有人不聽從我們這封信上的訓勉,要把這個人記下來,不可和他來往,好叫他自己覺得慚愧。
14Asi kana ani nani asingateereri shoko redu netsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, kuti anyare;
15但不要把他看作仇敵,卻要勸他好像勸弟兄一樣。
15uye musamuidza semuvengi, asi mumuraire sehama.
16祝福願賜平安的主親自隨時隨地賜平安給你們。願主與你們眾人同在。
16Zvino, Ishe werugare amene ngaakupei rugare nguva dzose nemitoo yose. Ishe ngaave nemwi mose.
17我保羅親筆問候你們。這是我每一封信的記號;我的筆跡就是這樣。
17Kwaziso neruoko rwangu, ini Pauro, ndicho chiratidzo patsamba dzose; ndinonyora saizvozvo.
18願我們主耶穌基督的恩惠與你們眾人同在。
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mose. Ameni.