1בן חכם מוסר אב ולץ לא שמע גערה׃
1Mwanakomana akachenjera anoteerera kuraira kwababa vake; Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa.
2מפרי פי איש יאכל טוב ונפש בגדים חמס׃
2Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza.
3נצר פיו שמר נפשו פשק שפתיו מחתה לו׃
3Anorindira muromo wake, anochengeta hupenyu hwake; Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa.
4מתאוה ואין נפשו עצל ונפש חרצים תדשן׃
4Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa; Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa.
5דבר שקר ישנא צדיק ורשע יבאיש ויחפיר׃
5Akarurama anovenga nhema; Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa.
6צדקה תצר תם דרך ורשעה תסלף חטאת׃
6Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
7יש מתעשר ואין כל מתרושש והון רב׃
7Mumwe ariko anozviti ndiri mufumi, kunyange asina chinhu; Mumwe ariko unozviti ndiri murombo, asi ane fuma zhinji.
8כפר נפש איש עשרו ורש לא שמע גערה׃
8Rudzikunuro rwoupenyu hwomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyityidzira.
9אור צדיקים ישמח ונר רשעים ידעך׃
9Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje wavakaipa uchadzimwa.
10רק בזדון יתן מצה ואת נועצים חכמה׃
10Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.
11הון מהבל ימעט וקבץ על יד ירבה׃
11fuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari.
12תוחלת ממשכה מחלה לב ועץ חיים תאוה באה׃
12Tariro kana ichinonoka, inoodza moyo; Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.
13בז לדבר יחבל לו וירא מצוה הוא ישלם׃
13Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro.
14תורת חכם מקור חיים לסור ממקשי מות׃
14Kudzidzisa kowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.
15שכל טוב יתן חן ודרך בגדים איתן׃
15Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu.
16כל ערום יעשה בדעת וכסיל יפרש אולת׃
16Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo.
17מלאך רשע יפל ברע וציר אמונים מרפא׃
17Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa.
18ריש וקלון פורע מוסר ושומר תוכחת יכבד׃
18Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa.
19תאוה נהיה תערב לנפש ותועבת כסילים סור מרע׃
19Kana zvinodikamwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata.
20הלוך את חכמים וחכם ורעה כסילים ירוע׃
20Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi uchashatiswa.
21חטאים תרדף רעה ואת צדיקים ישלם טוב׃
21Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.
22טוב ינחיל בני בנים וצפון לצדיק חיל חוטא׃
22Munhu, akanaka, achasiira vana vavana vake nhaka; Asi fuma yomutadzi inochengeterwa akarurama.
23רב אכל ניר ראשים ויש נספה בלא משפט׃
23Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kokusarurama.
24חושך שבטו שונא בנו ואהבו שחרו מוסר׃
24Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka.
25צדיק אכל לשבע נפשו ובטן רשעים תחסר׃
25Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.