Lithuanian

Shona

Proverbs

30

1Žodžiai Agūro, Jakės sūnaus. Taip jis kalbėjo Itieliui, pačiam Itieliui ir Ukalui:
1Mashoko aAguri, mwanako­mana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari,
2“Aš suprantu mažiau negu kiti ir neturiu žmogaus proto.
2Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu.
3Aš nesimokiau išminties ir neturiu Šventojo pažinimo.
3Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene.
4Kas užžengė į dangų ir nusileido? Kas sulaikė vėją savo rankomis? Kas įvyniojo vandenis į drabužį? Kas nustatė žemės ribas? Kuo vardu Jis ir Jo sūnus, ar žinai?
4Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
5Kiekvienas Dievo žodis yra tyras; Jis yra skydas tiems, kurie Juo pasitiki.
5Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhovo yavose vanovanda maari.
6Nieko nepridėk prie Jo žodžių, kad Jis neapkaltintų tavęs ir neliktum melagis.
6Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema.
7Dviejų dalykų prašau, neužgink man jų pirma, negu mirsiu.
7Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandirambira izvo, ndisati ndafa.
8Pašalink nuo manęs tuštybę ir melą; neduok man turtų nė skurdo, maitink mane tuo, ko man reikia,
8Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana fuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira;
9kad pasisotinęs neišsiginčiau Tavęs ir nesakyčiau: ‘Kas yra Viešpats?’ arba nuskurdęs nevogčiau ir be reikalo neminėčiau Dievo vardo.
9Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, Jehovha ndianiko? Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu.
10Neskųsk tarno jo šeimininkui, kad jis nekeiktų tavęs ir tu neliktum kaltas.
10Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva.
11Yra karta, kuri keikia tėvą ir nelaimina motinos.
11Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo.
12Karta, kuri laiko save švaria, bet nenusiplauna savo purvo.
12Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo.
13Karta, kurios išdidus žvilgsnis ir pakeltos blakstienos.
13Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa.
14Karta, kurių dantys yra kardai ir peiliai, kuriais ji suryja vargšus krašte ir beturčius tarp žmonių.
14Rudzi ruriko, meno ago akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu.
15Siurbėlė turi dvi dukteris, kurios šaukia: ‘Duok, duok!’ Trys dalykai yra nepasotinami, o ketvirtas niekada nesako: ‘Užtenka’.
15Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, Ndipe! Ndipe! Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, Zvaringana!
16Tai mirusiųjų buveinė, nevaisingos įsčios, žemė, kuri sugeria vandenį, ir ugnis­ji nesako: ‘Užtenka!’
16Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, Zvaringana!
17Akis, kurios tyčiojasi iš tėvo ir niekina paklusnumą motinai, iškapos varnai slėnyje ir suės erelio jaunikliai.
17Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguvo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya.
18Trys dalykai man nesuvokiami ir ketvirtojo nesuprantu:
18Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti:
19erelio kelias padangėje, gyvatės­ant uolos, laivo­jūroje ir vyro kelias su mergaite.
19Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba komurume nomusikana.
20Štai kelias neištikimos moters; ji pavalgo ir, nusišluosčiusi lūpas, sako: ‘Nieko blogo nepadariau’.
20Ndizvo zvakaita kufamba komukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, Handina kuita chinhu chakaipa.
21Dėl trijų dalykų sujuda žemė, ketvirtojo ji negali pakęsti:
21Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;
22tarno, kai jis karaliauja, kvailio, kai jis pasisotina,
22Nokuda komuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;
23bjaurios moteriškės, kai ji išteka, ir tarnaitės, kuri užima šeimininkės vietą.
23Nokuda komukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.
24Keturi žemės gyvūnai yra maži, bet labai išmintingi:
24Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti:
25skruzdės nėra stipri tauta, tačiau vasarą prisirengia sau maisto;
25Majuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;
26triušiai yra silpni, tačiau pasidaro namus uolose;
26Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo;
27skėriai neturi karaliaus, tačiau tvarkingai skrenda būriais;
27Mhashu hadzina mambo , Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka;
28voras audžia savo rankomis, tačiau būna ir karaliaus rūmuose.
28Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo.
29Trys vaikšto išdidžiai, ketvirtas eina didingai:
29Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti:
30liūtas­stipriausias tarp žvėrių, nebijo nieko;
30Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi;
31kurtas, ožys ir karalius priešaky savo žmonių.
31Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake.
32Jei buvai kvailas ir aukštinai save ar planavai pikta, užsidenk ranka savo burną.
32Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako.
33Plakant pieną, gaunamas sviestas; stipriai šnypščiant nosį, pasirodo kraujas; pykčio kurstymas sukelia ginčą”.
33nekuti mukaka warozva unobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzambandidzirwa dzinobudisa kukakavara.