Shona

聖經新譯本

Proverbs

19

1Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura ane miromo isakarurama, riri benzi.
1敬畏 神必得好處行為完全的窮人,勝過說話欺詐的愚昧人。
2Uye, kushingaira kusine zivo hakuna kunaka; Anokurumidza namakumbo ake anorasha nzira.
2一個人沒有知識是不好的,腳步匆忙的,難免失足。
3Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake; moyo wake unotsamwira Jehovha.
3人的愚妄毀滅自己的道路;他的心卻惱怒耶和華。
4fuma inouyisa shamwari zhinji; Asi murombo anosiiwa neshamwari yake.
4財富使朋友增多,但窮人連他的一個朋友也與他分離。
5Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema haangapukunyuki.
5作假見證的必難免受懲罰;吐出謊言的必不能逃脫。
6Vazhinji vachatsvaka nyasha dzavabati; Munhu mumwe nomumwe ishamwari yoanopa zvipo.
6尊貴的人,很多人求他的情面;慷慨施贈的,人人都作他的朋友。
7Hama dzose dzomurombo dzinomuvenga; Zvikuru shamwari dzake dzinoparadzana naye! Anovatevera namashoko, asi vaenda!
7貧窮人的兄弟都恨他;他的朋友更疏遠他。雖然他多多懇求他們,他們卻不理會。
8Anowana huchenjeri, anoda hupenyu hwake; Anochengeta njere, achawana zvakanaka.
8得著智慧的,愛惜自己的性命;保持明達的,必得益處。
9Chapupu chenhema hachingakoni kurohwa; Anoreva nhema achaparadzwa.
9作假見證的必難免受懲罰;吐出謊言的終必滅亡。
10Kugara pakati pezvakanaka hazvifaniri benzi; Ndoda sei kuti muranda ave ishe wamachinda.
10愚昧人生活奢侈是不相稱的,何況奴僕管轄領袖呢!
11Kungwara komunhu kunodzora kutsamwa kwake; Kukudzwa kwake ndiko kukangamwira kudarika komumwe.
11人的明慧使他不輕易動怒;寬恕別人過失的,是自己的榮耀。
12Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; Asi nyasha dzake dzakaita sedova riri pauswa.
12王的忿怒,好像獅子的吼叫,他的恩寵,如同草上的朝露。
13Mwanakomana benzi inhamo yababa vake; Uye kukakavara komukadzi kudonha kusingaperi kwemvura.
13愚昧的兒子是父親的禍患,吵鬧的妻子好像雨水不停地滴漏。
14Dzimba nefuma inhaka inobva kuna madzibaba; Asi mukadzi akangwara anobva kuna Jehovha.
14房屋與財富是祖宗遺留的產業;唯有明慧的妻子是耶和華所賜的。
15Usimbe hunowisira munhu pahope huru; Munhu asingabati achafa nenzara.
15懶惰使人沉睡,閒懶的人必受飢餓。
16Anochengeta murayiro, anochengeta upenyu hwake; Asi asina hanya nenzira dzake achafa.
16謹守誡命的,保全自己的性命;輕忽自己道路的,必致死亡。
17Anonzwira varombo tsitsi, anoposana naJehovha; Achamuripira basa rake rakanaka.
17恩待窮人的,等於借錢給耶和華;他所行的,耶和華必償還。
18Ranga mwanakomana wako, nekuti tariro ichipo; Usashuva kumuuraya.
18趁著還有指望的時候,要管教你的兒子;不可存心任他死亡。
19Munhu ane hasha zvikuru acharohwa; nekuti kana uchimurwira, unongozvinyanyisa.
19常發烈怒的人,必須受罰,如果你幫助他,就必須一而再幫助他。
20Teerera kana uchirairirwa, unzwe kana uchidzidziswa, Kuti pashure ugova wakachenjera.
20你要聽勸告,受管教,好使你將來作個有智慧的人。
21Mumoyo womunhu mune ndangariro zhinji; Asi kurairira kwaJehovha ndiko kuchamira.
21人心裡的謀算很多,唯有耶和華的計劃能實現。
22Munhu anodikamwa nokuda kounyoro hwake; Murombo urinani pamurevi wenhema.
22人所渴望的,就是忠誠;作窮人比作撒謊的人還好。
23Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; Unako, uchavata zvakanaka, Haangavingiwi nezvakaipa.
23敬畏耶和華的,得著生命;他必安居知足,不會遭受禍患。
24Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, isingadi kutongorudzosera kumuromo wayozve..
24懶惰人把手放在盤子裡,連拿食物送回口邊,也不願意。
25Rova mudadi, ipapo asina mano achazvingwarira; Raira ane njere, ipapo achanzwisisa zivo.
25責打好譏笑人的,愚蒙人就會變得精明;責備聰明人,他就會明白知識。
26Anoitira baba vake simba, nokudzinga mai vake, Mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza.
26虐待父親,趕走母親的,是貽羞可恥的兒子。
27Mwanakomana wangu, rega kuteerera kana uchidzidziswa, Kana uchida hako kutsauka pamashoko ezivo.
27我兒,你若是停止聽受管教,就會偏離知識的言語。
28Chapupu chisina maturo chinodada nokururama; Muromo wavakaipa unomedza zvakaipa.
28無賴作見證,嘲笑公平,惡人的口,吞吃罪孽。
29Kutongwa kwakagadzirirwa vadadi; Neshamhu misana yamapenzi.
29刑罰是為好譏笑人的預備的,鞭打是為愚昧人的背預備的。