1Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.
1得智慧必得善報和盼望你不要嫉妒惡人,也不要祈望與他們共處。
2nekuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.
2因為他們的心圖謀強暴,他們的嘴唇講論奸惡。
3Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.
3房屋的建造是憑著智慧,又藉著聰明得到堅立;
4Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.
4並且藉著知識,各房間充滿各樣寶貴和美好的財物。
5Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba
5智慧人大有能力,有知識的人力上加力。
6nekuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.
6你要憑著智謀去作戰;謀士眾多,就可得勝。
7Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.
7智慧對愚妄人來說是太高超,因此他在城門口啞口無言。
8Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.
8計劃作惡的,必稱為陰謀家。
9Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.
9愚妄人的計謀,盡是罪惡;好譏笑人的是人所厭惡的。
10Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.
10你在患難的日子若是懈怠,你的力量就微小。
11Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa.
11被拉到死地的人,你要拯救;將要被殺戮的人,你要挽救。
12Kana ukati, Tarira, hatina kuzviziva; Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangadzoaeri mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
12如果你說:“這事我不知道。”那衡量人心的不明白嗎?那看顧你性命的不曉得嗎?他不按照各人的行為報應各人嗎?
13Mwanakomana wangu, idya uchi, nekuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukamwa wako.
13我兒,你要吃蜜,因為這是好的;吃蜂房下滴的蜜,就覺甘甜。
14Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi.
14要知道智慧對你的心也是這樣,如果你得著智慧,就必有好結局,你的盼望也不會斷絕。
15Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.
15惡人哪!不要埋伏攻擊義人的住處,不要毀壞他的居所。
16nekuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.
16因為義人雖然七次跌倒,仍能再起來;但惡人必在禍患中絆倒。
17Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara.
17你的仇敵跌倒的時候,你不要歡喜;他絆倒的時候,你心裡不可歡樂。
18Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.
18恐怕耶和華看見了,就不喜悅,把他的怒氣從仇敵的身上,轉到你的身上。
19Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.
19不要因作惡的人心懷不平,也不要嫉妒惡人。
20nekuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa.
20因為惡人必沒有好結局,惡人的燈必要熄滅。
21Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongoshanduka shanduka.
21我兒,你要敬畏耶和華,也要尊敬君王;不要與叛逆的人結交。
22nekuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?
22因為他們的刑罰必忽然臨到;耶和華與君王要施行的毀滅,誰能曉得呢?
23Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka
23當正直勤奮以下也是智慧人的話:審判的時候看人的情面是不對的。
24Anoti kune wakaipa, Akarurama, Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.
24對壞人說“你是好人”的,萬民都要咒罵他,萬族都必憎惡他。
25Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.
25指責壞人的,必得歡悅;美福必臨到他們。
26Anopindura namashoko akarurama, unotsvoda nemiromo.
26應對誠實的,如同親吻別人。
27Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.
27你要在外面預備好你的工作,在田間為自己準備妥當,然後建造你的房屋。
28Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.
28不可無故作證指控你的鄰舍;不可誣告他人。
29Usati, Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.
29你不可說:“人怎樣待我,我也怎樣待他;我要照他所行的報復他。”
30Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;
30我經過懶惰人的田地,無知人的葡萄園;
31Tarirai, akanga angomera mhinzwa chete; Munda wose wakange wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
31只見到處長滿蒺藜,地面蓋滿刺草,石牆也倒塌了。
32Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.
32我看了,就用心思想;我見了,就領受了教訓。
33Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
33再睡片時,打盹片時,抱著手躺臥片時,
34Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.
34你的貧窮就必像強盜來到,你的缺乏就必像拿兵器的人來到。