Shona

聖經新譯本

Proverbs

27

1Usazvirumbidza pamusoro pe­zuva ramangwana; nekuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe.
1當親近忠誠的朋友不要為明日自誇,因為今天要發生甚麼事,你尚且不知道。
2Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako; Ngaave mweni, irege kuva miromo yako.
2讓外人誇獎你,不可自己誇獎自己;讓別人稱讚你,不可自己稱讚自己。
3Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; Asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.
3石頭重,沙土也重,愚妄人的怒氣比這兩樣更重。
4Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; Asi ndiani angamira pamberi pegodo.
4烈怒雖然兇殘,暴怒又好像狂瀾,人還可以抵受;但面對嫉妒,誰能站立得住呢?
5Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa.
5坦白的責備,勝過暗中的愛。
6Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsvoda komuvengi kunonyengedza.
6愛你的人加的創傷是出於忠誠;恨你的人卻與你連連親嘴。
7Mweya wakaguta unotsika pasi musvi wouchi; Asi mweya une nzara unoti zvose zvinozipa kunyange zvichivava.
7吃飽的人連蜂房的蜜也厭惡;飢餓的人連一切苦的東西都覺得甘甜。
8Seshiri inoburuka ichienda kure nedendere rayo, Ndizvo zvakaita munhu anofamba-famba kure napaanogara.
8離家的人到處飄泊,好像離巢的雀鳥到處遊飛一樣。
9Mafuta nezvinonhuhwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka koushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya.
9膏油和香料使人心暢快,朋友真誠的勸勉也使人覺得甘甜。
10Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba komunin'ina wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munin'ina uri kure,
10你的朋友和你父親的朋友,你都不可離棄;在你遭遇患難的日子,不可進你兄弟的家。在附近的鄰舍勝過在遠方的兄弟。
11Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze moyo wangu; Kuti ndigone kupindura anondishora.
11我兒,你要作智慧人,使我的心快樂,我也可以回答那羞辱我的。
12Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
12精明人看見災禍,就躲藏起來;愚蒙人反往前走,自取禍害。
13Munhu anozviita rubatso kumutorwa, umutorere nguvo yake; Umuite rubatso iye akazviita rubatso kumukadzi wokumwe.
13誰為陌生人作保證人,就拿去誰的衣服;誰替妓女作保證人,誰就要作擔保。
14Anoropafadza shamwari yake nenzwi guru, achifumira mangwanani, Achanzi wakatukwa pamusoro pazvo.
14清晨起來大聲為鄰舍祝福的,就等於是咒詛他。
15Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.
15下大雨的時候不斷滴漏;就像吵鬧的婦人一樣;
16Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.
16誰要攔阻她,就像攔阻風,也像右手抓油。
17Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
17鐵磨鐵,磨得鋒利;朋友互相切磋,才智(“才智”原文作“面”)也變得敏銳。
18Ani naani anochengeta muonde, achadya zvibereko zvawo; Anochengeta tenzi wake, achakudzwa.
18照料無花果樹的,必吃樹上的果子;事奉主人的,必得尊榮。
19Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu.
19水怎樣映照人面,人的心思也怎樣反映其人。
20Sheori neAbhadhoni hazvitongoguti; Nameso omunhu haaguti.
20陰間和滅亡不會滿足,人的眼目也是一樣。
21Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Saizvozvo munhu anozikamwa nezvaanofarira.
21用鍋煉銀,用爐煉金;人的稱讚也試煉人。
22Kunyange ukatswa benzi muduri nomutswi pakati pezviyo zvinotswiwa, Hupenzi hwaro hahungabvi kwariri.
22你雖然用杵把愚妄人與碎穀一同搗在臼中,他的愚妄還是離不了他。
23Shingaira uzive chimiro chamakwai ako; Uchengete zvakanaka mapoka ako.
23你要清楚知道你羊群的景況,專心照料你的牛群。
24nekuti fuma haigari nokusingaperi; Ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here?
24因為財富不是永恆的,冠冕也不能存到萬代。
25Uswa hunoenda bumhudza ndokubuda, Nemiriwo yamakomo inovunganidzwa.
25乾草割去,嫩草又出現,山上的野草也都收集起來。
26Makwayana anokuvigira zvokufuka zvako, Uye mbudzi ndiwo mutengo weminda.
26羊羔的毛可以給你作衣服,山羊可以作買田地的價銀。
27Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako, nezvokudya zveimba yako, Nokuraramisa varandasikana vako.
27山羊奶足夠作你的食物,也足夠作你一家的食物,並且足夠維持你眾婢女的生活。