1Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
1稱頌守約和施行奇事的 神(代上16:8~22)你們要稱謝耶和華,求告他的名;在萬民中傳揚他的作為。
2Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
2你們要向他歌唱,歌頌他,講論他一切奇妙的作為。
3Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.
3你們要以他的聖名誇耀;願尋求耶和華的人都心裡歡喜。
4Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.
4你們要追求耶和華與他的能力,常常尋求他的面。
5Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake;
5記念他所作的奇事、他的神蹟,和他口裡的判詞。
6imwi vana vaAbhurahamu, muranda wake, imwi vanakomana vaJakove, vasanangurwa vake.
6他僕人亞伯拉罕的後裔啊!他所揀選的人,雅各的子孫哪!
7Ndiye Jehovha Mwari wedu; Zvaakatonga zviri pasi pose.
7他是耶和華我們的 神,他的判詞充滿全地。
8Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;
8他永遠記念他的約,他記念他所吩咐的話,直到千代,
9Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka.
9就是與亞伯拉罕所立的約,向以撒所起的誓。
10Akazvisimbisira Jakove, kuti uve mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;
10他把這約向雅各定為律例,向以色列堅立為永遠的約,
11Achiti, Ndichakupa iwe nyika yeKanani, Uve mugove wenhaka yenyu;
11說:“我必把迦南地賜給你們,作你們產業的分。”
12Panguva yavakanga vachiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo, vashoma kwazvo, navatorwa mairi;
12那時,他們人數不多,實在很少,而且是在那地寄居的。
13Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunohumwe ushe vachienda kuna vamwe vanhu.
13他們從這邦飄流到那邦,從這國飄流到另一國。
14Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo, wakatuka madzimambo nokuda kwavo;
14他不容任何人欺壓他們,為了他們的緣故,他曾指責君王,說:
15Achiti, Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa.
15“不可傷害我的受膏者,也不可惡待我的先知。”
16Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa.
16他命令饑荒臨到那地,斷絕了一切糧食的供應。
17Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda;
17在他們之前,他差遣一個人去,就是被賣為奴的約瑟。
18Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare;
18人用腳鐐弄傷他的腳,他的頸項被鐵鍊鎖著,
19Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza.
19直到他的話應驗,耶和華的話為他證實的時候。
20Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza.
20王就派人去釋放他,統治眾民的把他釋放了。
21Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wefuma yake yose;
21王立他執掌朝政,管理王一切所有的,
22Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri.
22使他可以隨意捆綁王的群臣,把智慧教導王的長老。
23Isiraeri akasvikawo Egipita, NaJakove wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
23後來以色列到了埃及,雅各在含地寄居。
24Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo.
24耶和華使他的子民生育眾多,使他們比他們的敵人更強盛。
25Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, kuti vanyengere varanda vake.
25他改變敵人的心去憎恨他的子民,用詭詐待他的眾僕人。
26Akatuma Mozisi muranda wake, NaAroni waakanga asanangura.
26他差派了他的僕人摩西,和他揀選的亞倫。
27Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo, Nezvishamiso panyika yaHamu.
27他們在敵人中間施行他的神蹟,在含地顯明他的奇事。
28Akatuma rima, akaisvibisa; Vakasamukira mashoko ake.
28他命黑暗降下,使那地黑暗;他的話是不能違背的。
29Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa, Akauraya hove dzavo.
29他使埃及的水都變成血,使他們的魚都死掉。
30Nyika yavo yakazara namatacha, Mudzimba dzamadzimambo avo.
30在他們的地上,以及君王的內室,青蛙多多滋生。
31Akataura, mapupira enhunzi akasvika, Nenda panyika yavo yose.
31他一發命令,蒼蠅就成群而來,並且虱子進入他們的四境。
32Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura, Uye moto wakapfuta munyika yavo.
32他給他們降下冰雹為雨,又在他們的地上降下火燄。
33Wakarovawo mizambiringa yavo nemionde yavo; Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo
33他擊打他們的葡萄樹和無花果樹,又毀壞他們境內的樹木。
34Akataura, mhashu dzikasvika, Namagwatakwata asingagoni kuverengwa.
34他一發命令,蝗蟲就來,蚱蜢也來,多得無法數算,
35Zvikapedza miriwo yose munyika yavo, Nokupedza zvibereko zvevhu ravo.
35吃盡了他們地上的一切植物,吃光了他們土地的出產。
36Akarovawo matangwe ose munyika yavo, Ivo vokutanga vesimba ravo rose.
36他擊殺了他們境內所有的長子,就是他們強壯的時候所生的頭生子。
37Akavabudisa vane sirivha nendarama; Kwakanga kusina nomumwe pakati pamarudzi avo wakashaiwa simba.
37他領自己的子民帶著金銀出來;他們眾支派中沒有一個畏縮的。
38Nyika yeEgipita yakafara pakubva kwavo, nekuti vakanga vabatwa nokutya nokuda kwavo.
38他們出來的時候,埃及人很歡喜,因為埃及人都懼怕他們。
39Wakatatamura gore rikava chifukidzo; Nomoto kuzovhenekera usiku.
39他展開雲彩作遮蓋,夜間有火光照。
40Vakakumbira, akauyisa zvihuta, Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga.
40他們一求,他就使鵪鶉飛來,並且用天上的糧食使他們飽足。
41Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi.
41他裂開磐石,水就湧流出來;在乾旱之處水流成河。
42Nekuti akarangarira shoko rake dzvene, NaAbhurahamu muranda wake.
42因為他記念他向自己的僕人亞伯拉罕應許的聖言。
43Akabudisa vanhu vake nomufaro, Navasanangurwa vake vachiimba.
43他帶領自己的子民歡歡樂樂出來,帶領自己的選民歡呼著出來。
44Akavapa nyika dzavahedheni; Vakazvitorera zvakanga zvabatwa nendudzi dzavanhu;
44他把多國的地土賜給他們,他們就承受眾民勞碌的成果,
45Kuti vachengete zvaakatema, Nokuteerera mirairo yake. Hareruya.
45為要使他們謹守他的律例,遵守他的律法。你們要讚美耶和華。