1Hareruya. Vongai Jehovha, nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
1稱頌 神恩待悖逆的子民(代上16:34~36)你們要讚美耶和華。你們要稱謝耶和華,因為他是美善的;他的慈愛永遠長存。
2Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kose?
2誰能述說耶和華大能的作為,誰能說盡讚美他的話?
3Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose.
3謹守公正,常行公義的人,都是有福的。
4Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu.
4耶和華啊!你恩待你子民的時候,求你記念我;你拯救他們的時候,求你眷念我;
5Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu.
5使我得見你選民的福樂,因你國民的歡樂而歡樂,與你的產業一同誇耀。
6Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa.
6我們和我們的列祖都犯了罪,我們作了孽,也行了惡。
7Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paEgipita; Haana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku.
7我們的列祖在埃及的時候,不明白你的奇事,也不記念你豐盛的慈愛,反倒在紅海的海邊悖逆了你。
8Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru.
8但他因自己的名的緣故拯救他們,為要彰顯他的大能。
9Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani.
9他斥責紅海,海就乾了;他領他們走過海底,像經過曠野一樣。
10Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikunura paruoko rwomuvengi.
10他拯救他們脫離憎恨他們的人的手,從仇敵的手中救贖了他們。
11Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara.
11海水淹沒了他們的敵人,連一個也沒有留下。
12Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza.
12那時他們才相信他的話,唱歌讚美他。
13Vakachimbidzika kukangamwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake.
13可是他們很快就忘記了他的作為,不仰望他的意旨,
14Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga.
14反而在曠野大起貪慾,在沙漠試探 神。
15Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo.
15 神把他們所求的賜給他們,卻使災病臨到他們身上。
16Vakagodora Mozisi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha.
16他們在營中嫉妒摩西,以及歸耶和華為聖的亞倫。
17Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami.
17於是地裂開,吞下了大坍,把亞比蘭一夥的人也掩埋了。
18Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa.
18有火在他們的黨羽中燃燒起來,烈燄焚毀了惡人。
19Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa.
19他們在何烈山做了牛犢,敬拜鑄成的偶像。
20Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo.
20這樣,他們用吃草的牛的像,代替了他們的榮耀的 神。
21Vakakangamwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paEgipita;
21他們竟忘記了拯救他們的 神;他曾在埃及行了大事,
22Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.
22在含地行了奇事,在紅海邊行了可畏可懼的事。
23Saka akati, Ndinoda kuvaparadza; Dai Mozisi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakaputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza.
23所以他說要滅絕他們,不是有他揀選的摩西,在他面前站在破口上,使他的怒氣轉消,恐怕他早已毀滅他們了。
24Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza, Havana kutenda shoko rake;
24他們又輕視那美地,不信他的應許。
25Asi vakanyunyuta mumatende avo, Vakasateerera inzwi raJehovha.
25他們在自己的帳棚裡發怨言,不聽從耶和華的話。
26Saka wakavasimudzira ruoko rwake. Kuti avaparadze murenje;
26所以他對他們起誓,必使他們倒在曠野,
27Uye kuti aparadze vana vavo pakati pavahedheni. Avaparadzire panyika dzose.
27使他們的後裔四散在萬國中,使他們分散在各地。
28Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori, Vakadya zvakabayirwa vakafa.
28他們又歸附巴力.毗珥,吃了祭過死神的祭物。
29Naizvozvo vakamutsamwisa nezvavakaita; Denda ndokupinda pakati pavo.
29他們的行為觸怒了耶和華,於是有瘟疫在他們中間發生。
30Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita zvakarurama; Denda ndokuguma.
30那時非尼哈站起來,執行刑罰,瘟疫才止息。
31Izvozvo zvikanzi kwaari kururama, Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.
31這就算為他的義,世世代代直到永遠。
32Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha, Naizvozvo Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo.
32他們在米利巴水邊惹耶和華發怒,以致摩西因他們的緣故也受了懲罰。
33Nekuti vakamukira mweya wake, Iye akataura nehasha nemiromo yake.
33因為他們抗拒 神的靈(“他們抗拒 神的靈”或譯:“他們激動摩西的心”),摩西用嘴說出冒失的話。
34Havana kuparadza ndudzi dzavanhu, Sezvavakanga varairwa naJehovha,
34他們沒有照著耶和華吩咐他們的,滅絕外族的人民,
35Asi vakavengana navahedheni, Vakadzidza mabasa avo;
35反而和外族人混居雜處,學習他們的風俗習慣。
36Vakashumira zvifananidzo zvavo; Izvo zvikava musungo kwavari.
36他們又事奉外族人的偶像,這就成了他們的網羅。
37Zvirokwazvo, vakabayira mweya yakaipa vanakomana vavo navanasikana vavo,
37他們把自己的兒女祭祀鬼魔。
38Vakateura ropa risina mhosva, iro ravanakomana vavo navanasikana vavo, Vakavabayira zvifananidzo zveKanani; Nyika ikasvibiswa neropa.
38他們流了無辜人的血,就是他們自己兒女的血,把他們祭祀迦南的偶像;那地就被血污穢了。
39Vakasvibiswa saizvozvo namabasa avo, Vakapata pane zvavakaita.
39這樣,他們因自己所作的成了不潔,他們的行為使他們犯了邪淫。
40Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, Akasema nhaka yake.
40所以耶和華的怒氣向他的子民發作;他厭惡自己的產業,
41Akavaisa muruoko rwavahedheni; Vakavavenga ndivo vaivabata.
41把他們交在外族人的手裡,恨惡他們的人就管轄他們。
42Vavengi vavo vakavamanikidzawo, Vakaiswa pasi poruoko rwavo.
42他們的仇敵壓迫他們,他們就屈服在仇敵的手下。
43Akavarwira kazhinji, Asi vakamumukira pakurangana kwavo, Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo.
43 神曾多次搭救他們,他們卻故意悖逆,以致因自己的罪孽降為卑微。
44Kunyange zvakadaro akatarira kutambudzika kwavo, Panguva yaakanzwa kuchema kwavo;
44可是他聽到了他們哀叫的時候,就垂顧他們的苦難。
45Akarangarira sungano yake nokuda kwavo, Akazvidemba nokuda kokuwanda kwetsitsi dzake.
45他為他們的緣故記念他自己的約,照著他豐盛的慈愛回心轉意。
46Akavanzwisawo tsitsi Navose vakanga vavatapa.
46他又使他們在所有擄掠他們的人面前,得蒙憐恤。
47Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai.
47耶和華我們的 神啊!求你拯救我們,把我們從萬國中招聚回來,我們好稱謝你的聖名,以讚美你為誇耀。
48Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, Ameni. Hareruya.
48耶和華以色列的 神是應當稱頌的,從永遠到永遠。願眾民都說:“阿們。”你們要讚美耶和華。