1Hama, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imwi veMweya mudzose wakadai nemweya weunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti iwewo urege kuidzwa.
1信徒的责任
2Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvo zadzisai murairo waKristu.
2你们各人的重担要互相担当,这样就成全了基督的律法。
3Nekuti kana munhu achizviona sechinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera.
3如果有人本来没有什么了不起,却自以为是了不起的,就是欺骗自己。
4Zvino munhu umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake amene oga, asi kwete pamusoro peumwe.
4各人应该省察自己所作的,这样,他引以为荣的,就只在自己而不在别人了;
5Nekuti munhu umwe neumwe uchatakura mutoro wake.
5因为各人的担子,是要自己担当的。
6Uye unodzidziswa shoko ngaagovane neunodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
6在圣道上受教的,应该和施教的人分享自己的一切美物。
7Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nekuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.
7不要自欺, 神是不可轻慢的。人种的是什么,收的也是什么:
8Nekuti unodzvara kunyama yake, uchakohwa kuora kunobva panyama; asi unodzvara kumweya uchakohwa upenyu hwusingaperi, hwunobva kumweya.
8顺着自己的肉体撒种的,必定从肉体收取败坏;顺着圣灵撒种的,必定从圣灵收取永生。
9Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nekuti nenguva yakafanira, tinozokohwa kana tisinganeti.
9我们行善,不要觉得厌烦;如果不松懈,到了适当的时候,就有收成。
10Naizvozvo zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vose, zvikuru kune veimba yerutendo.
10所以,我们一有机会,就应该对众人行善,对信徒更要这样。
11Vonai kuti akakura sei mavara andinonyora kwamuri neruoko rwangu.
11劝勉和祝福请看,我亲手写给你们的字是多么的大。
12Vose vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kutambudzwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.
12那些在外表上要体面的人,他们勉强你们受割礼,不过是怕为了基督的十字架受迫害。
13Nekuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
13那些受割礼的人,自己也不遵守律法,反而要你们受割礼,为的是要借着你们的肉身夸口。
14Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu; kubudikidza naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.
14至于我,我绝不以别的夸口,只夸我们主耶稣基督的十字架。借着这十字架,在我来说,世界已经钉在十字架上了;就世界来说,我也已经钉在十字架上了。
15Nekuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva.
15受割礼或不受割礼,都算不得什么,要紧的是作新造的人。
16Vose vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro pevaIsraeri vaMwari.
16所有照这准则而行的人,愿平安怜悯临到他们,就是临到 神的以色列。
17Kubvira zvino ngakurege kuva nemunhu unonditambudza; nekuti ndakatakura pamuviri wangu mavanga aIshe Jesu.
17从今以后,谁也不要搅扰我,因为我身上带着耶稣的烙痕。
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.
18弟兄们,愿我们主耶稣基督的恩惠与你们同在(“与你们同在”原文作“与你们的心灵同在”)。阿们。