1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.
1约翰派门徒去见耶稣(路7:18-23)
2Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
2约翰在监狱里听见基督所作的,就派门徒去问他:
3akati kwaari: Imwi ndimwi unouya here, kana titarisire umwe?
3“你就是那位要来的,还是我们要等别人呢?”
4Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona:
4耶稣回答他们:“你们回去,把听见和看见的都告诉约翰,
5Mapofu anoonazve, uye vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri;
5就是瞎的可以看见,瘸的可以走路,患痲风的得到洁净,聋的可以听见,死人复活,穷人有福音听。
6wakaropafadzwa ani nani usingagumbuswi neni.
6那不被我绊倒的,就有福了。”
7Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
7耶稣论到约翰(路7:24-35)他们走了之后,耶稣对群众讲起约翰来,说:“你们到旷野去,是要看什么?被风吹动的芦苇吗?
8Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo.
8你们出去到底要看什么?身穿华丽衣裳的人吗?那些穿着华丽衣裳的人,是在王宫里的。
9Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange unopfuura kwazvo muporofita;
9那么,你们出去要看什么?先知吗?我告诉你们,是的。他比先知重要得多了。
10nekuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.
10经上所记:‘看哪,我差遣我的使者在你面前,他必在你前头预备你的道路。’这句话是指着他说的。
11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwekumatenga mukuru kwaari.
11我实在告诉你们,妇人所生的,没有一个比施洗的约翰更大;然而天国里最小的比他还大。
12Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambwa, nevapambi vanohutora nesimba.
12从施洗的约翰的时候直到现在,天国不断遭受猛烈的攻击,强暴的人企图把它夺去。
13Nekuti vaporofita vose nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;
13所有的先知和律法,直到约翰为止,都说了预言。
14kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya.
14如果你们肯接受,约翰就是那要来的以利亚。
15Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
15有耳的,就应当听。
16Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo,
16“我要把这世代比作什么呢?它好像一些小孩子坐在市中心,呼叫别的小孩子,
17vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema.
17说:‘我们给你们吹笛子,你们却不跳舞;我们唱哀歌,你们也不捶胸。’
18Nekuti Johwani wakauya asingadyi kana kumwa, asi vanoti: Une dhimoni.
18约翰来了,不吃也不喝,人说他是鬼附的;
19Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achimwa, zvino vanoti: Tarirai munhu unokara mumwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinoruramiswa nevana vadzo.
19人子来了,又吃又喝,人却说:‘你看,这人贪食好酒,与税吏和罪人为友。’但智慧借着它所作的,就证实是公义的了。”
20Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nekuti haana kutendeuka, akati:
20责备不肯悔改的城(路10:13-15)那时,耶稣责备那些他曾在那里行过许多神迹的城,因为它们不肯悔改:
21Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nekuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota.
21“哥拉逊啊,你有祸了!伯赛大啊,你有祸了!在你们那里行过的神迹,如果行在推罗和西顿,它们早已披麻蒙灰悔改了。
22Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Tire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi.
22但我告诉你们,在审判的日子,推罗和西顿所受的,比你们还轻呢。
23Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muHadhesi; nekuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino.
23迦百农啊!你会被高举到天上吗?你必降到阴间。在你那里行过的神迹,如果行在所多玛,那城还会存留到今天。
24Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira nyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.
24但我告诉你们,在审判的日子,所多玛那地方所受的,比你还轻呢。”
25Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nekuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.
25劳苦者可得安息(路10:21-22)就在那时候,耶稣说:“父啊,天地的主,我赞美你,因为你把这些事向智慧和聪明的人隐藏起来,却向婴孩显明。
26Hongu Baba, nekuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu.
26父啊,是的,这就是你的美意。
27Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve unoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.
27我父已经把一切交给我;除了父没有人认识子,除了子和子所愿意启示的人,没有人认识父。
28Uyai kwandiri mose makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo.
28你们所有劳苦担重担的人哪,到我这里来吧!我必使你们得安息。
29Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu;
29我心里柔和谦卑,你们应当负我的轭,向我学习,你们就必得着心灵的安息;
30nekuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.
30我的轭是容易负的,我的担子是轻省的。”