1Nenguva iyo Jesu wakagura nemumunda wezviyo nesabata; zvino vadzidzi vake vakange vane nzara, vakatanga kutanha hura ndokudya.
1安息日的主(可2:23-28;路6:1-5)
2Asi vaFarisi vakati vachiona vakati kwaari: Tarira, vadzidzi vako vanoita zvisingatenderwi kuitwa nesabata.
2法利赛人看见了,就对他说:“你看,你的门徒作了安息日不可作的事。”
3Asi wakati kwavari: Hamuna kurava here Dhavhidhi zvaakaita paakange ava nenzara, iye nevakange vanaye;
3耶稣对他们说:“大卫和跟他在一起的人,在饥饿的时候所作的,你们没有念过吗?
4kuti wakapinda sei mumba maMwari, akadya zvingwa zvekuratidza, zvaakange asingatenderwi kuzvidya, kunyange nevaiva naye kunze kwevapristi chete?
4他不是进了 神的殿,吃了他和跟他在一起的人不可以吃,只有祭司才可以吃的陈设饼吗?
5Kana hamuna kuverenga here pamurairo, kuti nemasabata vapristi vanosvibisa masabata mutembere asi vasina chavangapomerwa?
5律法书上记着:安息日,祭司在殿里供职,触犯了安息日,也不算有罪;你们也没有念过吗?
6Asi ndinoti kwamuri: Pano pane mukuru kutembere.
6我告诉你们,这里有一位是比圣殿更大的。
7Asi dai maiziva kuti zvinorevei kuti: Ndinoshuva tsitsi kwete chibayiro, mungadai musina kuti vane mhosva vasina mhosva.
7如果你们明白‘我喜爱怜悯,不喜爱祭祀’这句话的意思,就不会把无罪的定罪了。
8Nekuti Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyangwe wesabata.
8因为人子是安息日的主。”
9Zvino wakati abvapo akapinda musinagoge ravo.
9治好手枯的人(可3:1-6;路6:6-11)耶稣离开那里,来到他们的会堂。
10Zvino tarira, kwakange kune munhu wakange ane ruoko rwakawonyana. Vakamubvunza vachiti: Zvakatenderwa kuporesa nemasabata here? kuti vamupe mhosva.
10会堂里有一个人,他的一只手枯干了。有人问耶稣:“在安息日治病,可以吗?”目的是要控告耶稣。
11Asi wakati kwavari: Ndeupi munhu pakati penyu uchava negwai rimwe, iro kana rikawira mugomba nemasabata ungarega kuribata akasimudza?
11耶稣回答:“你们当中有哪一个,他仅有的一只羊在安息日跌进坑里,会不把羊抓住拉上来呢?
12Asi munhu unopfuura gwai zvikuru sei! Naizvozvo zvakatenderwa kuita zvakanaka nemasabata.
12人比羊贵重得多了!所以,在安息日行善是可以的。”
13Zvino akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akarutambanudza, rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.
13于是对那人说:“伸出手来!”他把手一伸,就复原了,好像另一只手一样。
14Zvino vaFarisi vakabuda, vakaita dare pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
14法利赛人出去,商议怎样对付耶稣,好杀掉他。
15Asi Jesu wakati aziva, akabvapo; zvaunga zvikuru zvikamutevera, akavaporesa vose.
15 神拣选的仆人耶稣知道了,就离开那里。有很多人跟随他,他医好他们所有的病人,
16Akavarairisa kuti varege kumubudisa pachena.
16又嘱咐他们不可替他张扬。
17Kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
17这就应验了以赛亚先知所说的:
18Tarira muranda wangu wandakasanangura, mudikamwa wangu, mweya wangu unofara naye. Ndichaisa mweya wangu pamusoro pake, uye uchazivisa vahedheni kutonga.
18“看哪!我所拣选的仆人,我所爱,心里所喜悦的;我要把我的灵赐给他,他必向万国宣扬公理。
19Haangarwisi kana kudanidzira, uye hakuna uchanzwa inzwi rake munzira dzemumaguta.
19他不争吵,也不喧嚷,人在街上听不见他的声音。
20Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, netambo yemwenje inopfungaira haangadzimi; kusvikira achituma kutonga mukukunda.
20压伤的芦苇,他不折断,将残的灯火,他不吹灭;直到他施行公理,使公理得胜。
21Uye vahedheni vachavimba mizita rake.
21万民都要寄望于他的名。”
22Zvino kwakauyiswa kwaari wakagarwa nedhimoni, bofu uye mbeveve; akamuporesa, zvekuti bofu mbeveve rakati kutaura rikati kuona.
22耶稣靠 神的灵赶鬼(可3:20-30;路11:14-23)有人带了一个被鬼附着、又瞎又哑的人到耶稣那里。耶稣医好了他,那哑巴就能说话,也能看见了。
23Zvaunga zvose zvikashamisika zvikati: Ko uyu haasi Mwanakomana waDhavhidhi here?
23群众都很惊奇,说:“难道他就是大卫的子孙?”
24Asi vaFarisi vakati vachinzwa vakati: Uyu haabudisi madhimoni, kunze naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.
24法利赛人听见了,说:“这个人赶鬼,只不过是靠鬼王别西卜罢了。”
25Zvino Jesu akaziva ndangariro dzavo, akati kwavari: Ushe humwe nohumwe hwakapesana hwakazvimirisana hunoparadzwa, neguta rimwe nerimwe kana imba yakapesana yakazvimirisana haingamiri.
25耶稣知道他们的心思,就对他们说:“如果一个国家自相纷争,就必定荒凉;一城一家自相纷争,必站立不住。
26Uye kana Satani achibudisa Satani unopesana achizvimirisana; zvino ushe hwake huchamira sei?
26如果撒但赶逐撒但,就会自相纷争。那么,他的国怎能站立得住呢?
27Uye kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanoabudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
27我若靠别西卜赶鬼,你们的子孙又靠谁呢?这样,他们就要断定你们的不是。
28Asi kana ini ndichibudisa madhimoni neMweya waMwari, saka ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
28我若靠 神的灵赶鬼, 神的国就已经临到你们了。
29Kana munhu ungapinda sei mumba mehamburamakaka akapamba nhumbi dzake kunze kwekuti atanga kusunga hamburamakaka? Ipapo uchapamba imba yake.
29如果不先把壮汉绑起来,怎能进到他的家里,抢夺财物呢?如果绑起来了,就可以抢劫他的家了。
30Uyo usina ini, unomirisana neni, neusingaunganidzi neni, unoparadzira.
30不站在我这一边的就是反对我的,不跟我一起收聚的,就是分散的。
31Naizvozvo ndinoti kwamuri: Vanhu vachakangamwirwa chivi chose nekunyomba, asi kunyomba Mweya hakungakanganwirwi vanhu.
31因此,我告诉你们,人的一切罪和亵渎的话,都可以赦免;可是,亵渎圣灵就得不着赦免。
32Uye ani nani unotaura shoko rinopikisa Mwanakomana wemunhu uchakangamwirwa; asi ani nani unotaura achipikisa Mweya Mutsvene haangakanganwirwi, kana panguva ino kana kune inouya.
32无论谁说话得罪了人子,还可以赦免;但说话得罪了圣灵的,今生来世都得不着赦免。
33Kana itai muti uve wakanaka nechibereko chawo chakanaka, kana itai muti uve wakaipa nechibereko chawo chakaipa, nekuti muti unozikamwa nechibereko.
33种好树结好果子(路6:43-45)“你们种好树就结好果子,种坏树就结坏果子;凭着果子就能认出树来。
34Zvibereko zvenyoka, mungagona sei kutaura zvinhu zvakanaka makaipa? Nekuti muromo unotaura kubva pazvizere mumoyo.
34毒蛇所生的啊,你们既然是邪恶的,怎能说出良善的话?因为心中所充满的,口里就说出来。
35Munhu wakanaka unobudisa zvinhu zvakanaka pafuma yakanaka yemoyo; nemunhu wakaipa pafuma yakaipa unobudisa zvinhu zvakaipa.
35良善的人从他良善的心(“心”原文作“库房”)发出良善,邪恶的人从他邪恶的心(“心”原文作“库房”)发出邪恶。
36Asi ndinoti kwamuri: Shoko rimwe nerimwe risina maturo vanhu ravanoreva, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rekutongwa.
36我告诉你们,人所说的闲话,在审判的日子,句句都要供出来,
37Nekuti nemashoko ako ucharuramiswa, uye nemashoko ako uchapiwa mhosva.
37因为你要照你的话被称为义,或定为有罪。”
38Zvino vamwe vevanyori nevevaFarisi vakapindura vakati: Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.
38约拿的神迹(可8:11-12;路11:29-32)当时,有一些经学家和法利赛人对耶稣说:“老师,我们想请你显个神迹看看。”
39Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
39但耶稣说:“邪恶和淫乱的世代寻求神迹,除了约拿先知的神迹以外,再没有神迹给你们了。
40Nekuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.
40约拿怎样三日三夜在大鱼的腹中,人子也要照样三日三夜在地里。
41Varume veNinivhi vachasimuka mukutongwa nezera iri, vacharipa mhosva; nekuti vakatendeuka nemharidzo yaJona; zvino tarirai, mukuru kuna Jona uri pano.
41审判的时候,尼尼微人要和这个世代一同起来,定这个世代的罪,因为他们听了约拿所传的就悔改了。你看,这里有一位是比约拿更大的。
42Mambokadzi wekumaodzanyemba achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nekuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni uri pano.
42审判的时候,南方的女王要和这个世代一同起来,定这个世代的罪,因为她从地极来到,要听所罗门智慧的话。你看,这里有一位是比所罗门更大的。
43Zvino kana mweya wetsvina wabuda kumunhu, unofamba uchigura nzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo asi uchishaiwa.
43污灵去而复返的教训(路11:24-26)“有一个污灵离开了一个人,走遍干旱之地,寻找栖身的地方,却没有找到。
44Zvino unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda; uye uchisvika unoiwana isina chinhu, yakatsvairwa yakarongedzwa.
44他就说:‘我要回到我从前离开了的那房子。’到了之后,看见里面空着,已经打扫干净,粉饰好了,
45Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye mimwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura pachake, zvino ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwemunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga. Zvichava saizvozvowo kuzera iri rakaipa.
45他就去带了另外七个比自己更恶的污灵来,一齐进去住在那里;那人后来的情况,比以前更坏了。这邪恶的世代也会这样。”
46Wakati achataura nezvaunga, tarira, mai nevanin'ina vake vakamira panze, vachitsvaka kutaura naye.
46谁是耶稣的母亲和弟兄(可3:31-35;路8:19-21)耶稣还在对群众讲话的时候,他的母亲和弟弟站在外面,要找他讲话。
47Umwe ndokuti kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vachitsvaka kutaura nemwi.
47有人告诉耶稣:“你的母亲和弟弟站在外面,有话要跟你说。”
48Asi wakapindura akati kuna iye wakamuudza: Mai vangu ndiani? Nevanin'ina vangu ndivana ani?
48他回答那人:“谁是我的母亲?谁是我的弟兄?”
49Zvino wakatandavadzira ruoko rwake kuvadzidzi vake, akati: Tarirai, mai vangu nevanin'ina vangu.
49他伸手指着门徒说:“你看,我的母亲,我的弟兄!
50Nekuti ani nani unoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga, ndiye munin'ina wangu, nehanzvadzi, namai.
50凡是遵行我天父旨意的,就是我的弟兄、姊妹和母亲了。”