1Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.
1愚昧人的口自取灭亡
2Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti moyo waro ufukurwe.
2愚昧人不喜欢明白事理,只喜欢显露自己的心意。
3Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
3恶人来,也带来藐视;羞耻的事也引致羞辱。
4Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.
4人口中的言语如同深水,智慧的泉源好像涌流的河水。
5Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga.
5在审判时,偏袒恶人、屈枉义人,是不对的。
6Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa.
6愚昧人的嘴引起纷争,他的口招来责打。
7Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro.
7愚昧人的口自取灭亡,他的嘴唇是自己性命的网罗。
8Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
8搬弄是非的人的言语,如同美食,深入人的脏腑。
9Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munin'ina womuparadzi.
9工作懒惰的,是灭亡者的兄弟。
10Zita raJehovha ishongwe yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.
10耶和华的名是坚固的高台,义人投奔,就得安全。
11fuma yomufumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.
11富翁的财物是他们的坚城;在他们的想象中,有如高墙。
12moyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
12灭亡以先,人心高傲;尊荣以先,必有谦卑。
13Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.
13不先聆听就回答的,这就是他的愚妄和羞辱。
14Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?
14人的心灵能忍受疾病,心灵忧郁,谁能承受呢?
15moyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.
15聪明人的心获得知识;智慧人的耳朵寻求知识。
16Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru.
16人的礼物能为他开路,引他到大人物面前。
17Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama , Asi wokwake anosvika womuferefeta.
17首先陈述情由的,似乎有理,等他的邻舍来到,才可以查明实情。
18Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba.
18抽签能止息纷争,排解二强之间的纠纷。
19Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.
19触怒兄弟,要劝他和解,比取坚城还难;这样的纷争,如同堡垒的门闩。
20Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.
20人口中所结的果子,必使自己的肚腹饱足;他嘴里所出的,必使他饱足。
21Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.
21生与死都在舌头的权下;爱把弄这权柄的,必自食其果。
22Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha naJehovha.
22觅得贤妻的,就是觅得幸福,也是蒙了耶和华的恩宠。
23Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mufumi anopindura nehasha.
23穷人乞恩哀求,财主却声色俱厉地回答。
24Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.
24朋友众多的人,终必彼此破裂,但有一位朋友,比兄弟更亲密。