1Kana ukagara pakudya pamwechete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako;
1不可贪吃,当求智慧
2Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo
2你若是个贪吃的人,就当把刀子放在喉咙上。
3Usapanga zvinozipa zvake, nekuti zvokudya izvo zvinonyengedzera.
3不可贪恋他的美食,因为那是骗人的食物。
4Usazvinetsa kuwana fuma; Rega huchenjeri hwako.
4不要劳碌求富,你要明智地放下这企图。
5Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! nekuti zvirokwazvo fuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga
5你的眼睛注视在钱财上,钱财却不见了,因为钱财必长起翅膀,如鹰飞往天上。
6Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake.
6不可吃吝啬人的饭,也不可贪恋他的美食。
7nekuti sezvaanofunga mumoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, Chidya, chimwa; , Asi moyo wake haune hanya newe.
7因为他心里怎样计算,他的为人就是怎样;他虽然对你说:“请吃,请喝!”他的心里却没有你。
8Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka.
8你所吃的那一点食物,必要吐出来,你道谢的美言,也都白费了。
9Usataura paunonzwikwa nebenzi; nekuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako.
9不要说话给愚昧人听,因为他必藐视你明慧的言语。
10Usabvisa muganhu wekare; Uye usapinda paminda yenherera;
10你不可迁移古时的地界;也不可侵占孤儿的田地。
11nekuti Mudzikunuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe.
11因为他们的救赎主大有能力,他必向你为他们的案件伸冤。
12moyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.
12你要专心领受教训,留心听知识的言语。
13Usarega kuranga mwana; nekuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi.
13要管教孩童,不可姑息,你虽然用杖打他,他也不会死;
14Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori.
14你要用杖打他,就可以救他的灵魂免下阴间。
15Mwanakomana wangu, kana moyo wako wochenjera, Nomoyo wangu uchafarawo.
15我儿,如果你的心有智慧,我的心也就欢喜;
16Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama.
16你的嘴唇说正直话的时候,我的内心就欢乐。
17moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose.
17你的心不要嫉妒罪人,只要时常敬畏耶和华。
18nekuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi.
18因为万事必有结局,你的盼望也不会断绝。
19Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise moyo wako munzira.
19我儿,你要听,要有智慧,要引导你的心走在正路上。
20Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama.
20酗酒的人,不可与他们来往;暴食的人,不要与他们为友。
21nekuti mumwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve.
21因为酗酒暴食的人必致穷乏;贪睡的人必穿破衣。
22Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera.
22你要听从生你的父亲;也不可因为母亲老了,就藐视她。
23Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere.
23你要买真理,不可出卖;要得智慧、教训和哲理。
24Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye.
24义人的父亲必大有快乐;生下智慧的儿子的,必因儿子欢喜。
25Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo.
25要使你的父母欢喜,使生下你的快乐。
26Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu.
26我儿,把你的心给我;你的眼目要关注我的道路。
27nekuti chifeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana.
27因为妓女是深坑,淫妇是狭窄的井。
28Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu.
28她像强盗一样埋伏,使人间增添很多奸诈的人。
29Ndiani ane: Urombo? Ndiani ane: Urombo? Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani anemavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
29谁有祸患?谁有愁苦?谁有纷争?谁有怨言?谁无故受伤?谁的眼睛赤红?
30Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa.
30就是那些沉湎于酒,常去品尝调和美酒的人。
31Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakumwiwa.
31你不要看酒怎样发红,在杯中怎样闪烁诱人,喝下去怎样舒畅,
32Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi.
32最后它却像咬你的蛇、像刺你的毒蛇。
33Meso ako achaona zvisingazikamwi, moyo wako uchabudisa zvisakarurama.
33你的眼睛必看见怪异的事,你的心必说乖谬的话。
34Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe.
34你必好像躺在海中,又好像躺在桅杆顶上。
35Uchati, Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka rinhiko? Ipapo ndichandoitsvakazve.
35你必说:“人打我,我不痛;人鞭打我,我不晓得;我什么时候清醒?我还要再去寻酒。”