Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Proverbs

25

1Izvowo ndizvo zvirevo zvaSo­romoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha,
1谦厚忠诚必得赏赐
2Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva.
2把事隐藏,是 神的荣耀;把事察清,是君王的光荣。
3Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa.
3人不知天有多高,地有多厚,君王的心也照样测不透。
4Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari.
4除去银子的渣滓,银匠就可以做出器皿;
5Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama.
5除去君王面前的坏人,他的王位就可以靠公义坚立。
6Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru.
6你在君王面前,不可妄自尊大;也不可擅自站立在大人物中间。
7nekuti zviri nani kuti vati kwauri, Kwira pano, Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako.
7宁可让人对你说:“请上座!”胜过在你觐见的显贵面前,被人叫你退下去。
8Usakurumidza kundoita nharo; nekuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa?
8不可轻率出去与人争讼;否则,你的邻舍若使你受辱,结果你要怎么办呢?
9Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe;
9如果有纷争,只与你的邻舍一人争论好了;不可揭发别人的秘密,
10Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Guhwa rako rikasaguma.
10恐怕听见的人辱骂你,你的恶名就不能脱掉。
11Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.
11一句话说得合宜,就像金苹果镶在银的器物上。
12Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka.
12智慧人的责备在听从的人耳中,好像金耳环和精金的饰物。
13Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; nekuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
13忠信的使者对那些差遣他的人来说,好像在收割的时候,有冰雪的凉气,使主人精神舒畅。
14Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
14空夸送礼却没有实行的人,就像无雨的风云。
15Mubati anokundwa kana achiitirwa moyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mafupa.
15恒久忍耐可以劝服掌权的人,柔和的舌头,可以折断骨头。
16Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa.
16你找到蜂蜜,吃够就好了;免得吃得过多,就呕吐出来。
17Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.
17你的脚要少进邻舍的家;免得他厌烦你,就憎恶你。
18Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza.
18作假见证陷害邻舍的人,就像大锤、快刀和利箭。
19Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka.
19遭遇灾难的时候,倚靠奸诈的人,就像倚靠坏牙和不稳的脚。
20Somunhu anobvisa nguvo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira moyo unorwadza nziyo.
20对着悲伤的心灵唱歌,就像冷天脱衣服,又像碱上倒酸。
21Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura amwe.
21如果你的仇敌饿了,就给他食物吃;如果渴了,就给他水喝,
22nekuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira.
22因为你这样作,就是把炭火堆在他的头上,耶和华必还报你。
23Mhepo inobva kumaodzanyemba inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa.
23北风带来雨水;暗中毁谤人的舌头,使人怒容满面。
24Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara.
24宁可住在房顶的一角,也不跟吵闹的妇人同住一间房屋。
25Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota.
25来自远方的好消息,好像疲乏的人得喝凉水。
26Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubu chine tsvina.
26义人在恶人面前屈服,好像混浊了的水泉、污染了的水井。
27Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa.
27吃蜜过多是不好的;追寻自己的荣耀,也是不好的。
28Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.
28人若不控制自己的心,就像没有城墙,毁坏了的城一样。