1Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukukohwa, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi.
1当以愚昧懒惰人为戒
2Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki.
2麻雀怎样飞来飞去,燕子怎样翻飞;照样,无故的咒诅也不会临到人。
3Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi.
3鞭子是为了打马,嚼环是为了勒驴;刑杖是为了打愚昧人的背。
4Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro.
4不要照着愚昧人的愚妄回答他,免得你像他一样。
5Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera.
5要照着愚昧人的愚妄回答他,免得他自以为有智慧。
6Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokumwa kutambudzika.
6借愚昧人的手传递信息的,是自断己足,自寻烦恼。
7Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.
7箴言在愚昧人口中,就像瘸子的腿,虚悬无用。
8Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi.
8把荣耀给愚昧人的,就像人把石子系在投石器上。
9Sezvinoita mhinzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi,
9箴言在愚昧人口中,就像荆棘在醉汉手里。
10somupfuri wemiseve, unopfura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi.
10雇用愚昧人和过路人的,就像胡乱射伤众人的弓箭手。
11Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro.
11愚昧人一再重复他的愚妄,正像狗转过来,吃自己所吐的。
12Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye!
12你见过自以为有智慧的人吗?愚昧人比他更有指望。
13Simbe inoti, Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.
13懒惰人说:“路上有狮子,广场上也有狮子。”
14Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhovo dzayo.
14懒惰人在床上翻动,就像门绕着门铰转动一样。
15Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo.
15懒惰人把手放在盘子里,连拿食物送回口边也觉得劳累。
16Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.
16懒惰人看自己,比七个善于应对的人更有智慧。
17Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ichingopfuura hayo, Ndizvo zvakaita mupfuuri anozvipinza pagakava risati riri rake.
17提防毁谤及诡诈的人过路的人被激怒,去干涉与自己无关的争执,就像人揪住狗的耳朵。
18Somupengo anokanda zvitsiga, Nemiseve, nezvinouraya,
18人欺骗了邻舍,却说:“我不过是开玩笑罢了。”他就像疯狂的人,投掷火把、利箭和杀人的武器。
19Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake, Achiti, Ndinongoita zvangu jee!
19
20Moto unodzima nokushaiwa huni; Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera.
20没有柴,火就熄灭;没有搬弄是非的人,纷争就平息。
21Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta, nehuni pamoto, Ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.
21好争竞的人,煽动争端,就像余烬上加炭,火上加柴一样。
22Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
22搬弄是非的人的言语如同美食;深入人的脏腑。
23Miromo inopisa norudo pamwechete nomoyo wakaipa, Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa namarara anobva pasirivha.
23嘴唇火热,心却奸恶,就像包上银渣的瓦器。
24Muvengi anonyengedzera nemiromo yake, Asi anovanza kunyengedzera mumoyo make.
24憎恶人的用话语掩饰自己,心里却存着诡诈。
25Kana achitaura zvinonaka, usamutenda; nekuti mumoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.
25他的话语虽然动听,你不可信他,因为他心里有七样可厌恶的事。
26Kunyange kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera, Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano.
26他的怨恨虽然以诡诈掩饰,但他的邪恶必在大会中显露出来。
27Ani naani anochera gomba, achawiramo iye; Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake.
27挖掘陷坑的,自己必掉在其中;辊石头的,石头必辊回自己身上。
28Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; Nomuromo unobata kumeso unoparadza.
28虚谎的舌头憎恶被它伤害的人;谄媚的口造成败坏。