1Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
1公平诚实使国坚定
2Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.
2义人增多的时候,人民就喜乐;恶人掌权的时候,人民就叹息。
3Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvifeve, anorasha fuma yake.
3喜爱智慧的,使父亲喜乐;亲近妓女的,耗尽家财。
4Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza.
4君王以公正使国坚立;收受贿赂的,使国覆亡。
5Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure.
5谄媚邻舍的人,是在他的脚下张设网罗。
6Pakudarika komunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.
6恶人因为过犯,陷于网罗;义人却欢呼喜乐。
7Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo.
7义人关注穷人的冤情;恶人却不分辨实情。
8Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
8好讥笑人的煽动全城骚乱,智慧人却止息众怒。
9Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
9智慧人与愚妄人争讼,愚妄人只会咆哮或嘲笑,总不能安静。
10Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.
10好流人血的恨恶完全人,并寻索正直人的性命。
11Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzipfimbika.
11愚昧人把怒气尽情发泄,智慧人却抑制怒气。
12Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa.
12如果掌权者听信谎言,他所有的臣仆必都是坏人。
13Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose.
13世上有穷人,也有欺压人的,两者的眼睛都蒙耶和华光照。
14Mambo anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
14如果君王诚实地审判穷人;他的国位必永远坚立。
15Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.
15杖责和管教能使人有智慧,放纵的孩子使母亲蒙羞。
16Kana vakaipa vowanda, kudarika kunowandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
16恶人增多的时候,过犯也必增多;义人必看见他们倾覆。
17Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako.
17管教你的儿子,他必使你得安息;也必使你的心得喜乐。
18Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murayiro, anomufaro.
18没有启示,人民就没有法纪;遵守律法的,就为有福。
19Muranda angaramba kurairirwa namashoko chete; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.
19只用言语,不能使奴仆受管教;他虽然明白,却没有反应。
20Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.
20你见过言语急躁的人吗?愚昧人比他更有指望。
21Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achava mwanakomana kwaari.
21如果人从小娇纵仆人,结果必带来忧愁。
22Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.
22容易发怒的人,引起纷争;脾气暴烈的人,多有过犯。
23Kuzvikudza komunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya unozvininipisa, achakudzwa.
23人的骄傲必使他卑微;心里谦卑的,必得尊荣。
24Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.
24与盗贼分赃的,是恨恶自己的性命;他虽然听见要他起誓作证的声音,却不说话。
25Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.
25惧怕人的,必陷入网罗;倚靠耶和华的,必得安全。
26Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa komunhu kunobva kuna Jehovha.
26很多人求掌权者的情面,但各人的判决是出于耶和华。
27Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.
27不义的人是义人所厌恶的;行为正直的人是恶人所厌恶的。