1Ko Uchenjeri hahudanidziri here? Nenjere hadzibudisi manzwi adzo here?
1当受智慧的教训
2Pamusoro pemitunhu panzira, Pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
2它在路旁高处的最高点,在十字路口站着;
3Parutivi rwamasuwo, panopindwa paguta, Pavanopinda pamikova, ndipo pahunodanidzira; huchiti,
3在城门旁,在城门口,在进城门的空地上大声呼喊:
4Ndinodanidzira kwamuri, imwi varume, Inzwi rangu rinodana vanakomana vavanhu.
4“众人哪!我向你们呼唤,对世人发声。
5nzwisisai uchenjeri, imwi vasina mano; imwi mapenzi, ivai nomoyo une njere.
5愚蒙人哪!你们要学习精明;愚昧人哪!你们心里要明白事理。
6Inzwai, nekuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; nekuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama.
6你们听着,因为我要讲论极美的事,我要开口说正直的事;
7nekuti muromo wangu unobudisa zvokwadi; Chinhu chakaipa chinonyangadza pamiromo yangu.
7我的口要论述真理,我的嘴唇厌恶邪恶。
8Mashoko ose omuromo wangu akarurama; Hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari;
8我口里的一切话都是公义的,毫无弯曲欺诈。
9Zvose zviri pachena kuno anenjere; Zvakarurama kuna ivo vakawana zivo.
9我的话对明理的人,都是对的;对得着知识的人,都是正直的。
10Gamuchirai kuraira kwangu, murege kugamuchira sirivha; Nezivo, kupfuura ndarama yakasarurwa.
10你们要接受我的教训,不要银子;宁愿得着知识,胜过精金;
11nekuti uchenjeri hwakanaka kupfuura korari; Zvose zvinodikamwa nomunhu hazvingaenzaniswi nahwo.
11因为智慧比红宝石更好,你一切所喜爱的都不能和智慧比较。
12Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama.
12尊荣公义出于智慧我──智慧──和精明同住,我又获得知识和谋略。
13Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.
13敬畏耶和华就是恨恶邪恶;骄傲、狂妄、邪恶的行为、乖谬的口,我都恨恶。
14Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba.
14我有才智和大智慧,我有聪明,我有能力。
15Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni.
15君王借我掌权,统治者借我制定法纪。
16Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi.
16领袖、贵族和所有公义的审判官,都借我治国。
17Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomoyo wose vachandiwana.
17爱我的,我必爱他;殷切寻找我的,必定寻见。
18fuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama.
18财富和尊荣是我的,恒久的财产和公义也是我的。
19Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa.
19我的果实胜过黄金,胜过精金,我的出产胜过纯银。
20Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa;
20我走在公义的道上,行在公正的路上,
21Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvefuma yavo.
21使爱我的承受财产,使他们的府库满溢。
22Jehovha ndakava wake, ndakava kuvamba kwenzira yake, Kutangira mabasa ake akare.
22创世以前已有智慧在耶和华创造的开始,在太初创造一切以先,就有了我。
23Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, Pasi pasati pasikwa.
23在亘古、在太初,在未有大地之前,我已经被立;
24Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; Pasina matsime ane mvura zhinji.
24没有深渊,没有大水的泉源以先,我已经出生。
25Makomo asati anyudzwa, Zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa;
25大山未曾奠定,小山未有以先,我已经出生。
26Iye asati aumba pasi namapani, Kana guruva rokutanga renyika.
26那时,耶和华还没有造大地和田野,也没有造地上的泥土。
27Panguva yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo; Pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa;
27他立定诸天的时候,我在那里;他在渊面上界划地平线的时候,我在那里;
28Panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, Pakusimba kwamatsime amakungwa;
28他上使穹苍坚固,下使深渊的水泉稳定;
29Panguva yaakaitira gungwa miganho yaro, Kuti mvura irege kudarika murayiro wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi;
29他为海洋定出界限,海水不能越过他的命令,他又划定大地的根基;
30Nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, Ndichitamba pamberi pake nguva dzose,
30那时,我在他身边作工匠,每天都充满喜乐,时常在他面前欢笑,
31Ndichitamba panyika yake, Ndichifadzwa navanakomana vavanhu.
31在他的大地上欢笑,和世人一同喜乐。
32Saka zvino vanakomana vangu, nditeererei; nekuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa.
32听从智慧就为有福孩子们,现在你们要听从我;持守我道路的,是有福的。
33Inzwai kurairira muve vakachenjera, Regai kukuramba.
33你们要听从教训,要作智慧人,不可离弃教训。
34Munhu, anondinzwa, akaropafadzwa, Anorinda zuva rimwe nerimwe pamasuwo angu, Anomira pazvivivo zvemikova yangu.
34听从我,天天在我门口警醒仰望,在我门框旁边守候的人,是有福的。
35nekuti andiwana, awana hupenyu, Achapiwa nyasha naJehovha.
35因为找到我的,就找到生命,他也必得着耶和华的恩惠。
36Asi anondishaiwa, anotadzira mweya wake;
36得罪我的,是伤害自己;凡是恨恶我的,就是喜爱死亡。”