1Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwetsitsi dzenyu, uye nokuda kokutendeka kwenyu.
1 神是我们唯一的倚靠耶和华啊!不要把荣耀归给我们,不要归给我们;要因你的慈爱和信实把荣耀归在你的名下。
2Vahedheni vachareverei, vachiti, Ko Mwari wavo zvino uripi?
2为什么容列国的人说:“他们的 神在哪里呢?”
3Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada.
3我们的 神在天上;他喜欢什么,就作什么。
4Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu.
4列国的偶像是金的、银的,是人手所做的。
5Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni;
5它们有口,却不能说话;有眼,却不能看;
6Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwhidzi;
6有耳,却不能听;有鼻,却不能闻;
7zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo.
7有手,却不能摸;有脚,却不能行;也不能用喉咙发声。
8Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
8做偶像的必和偶像一样;凡是倚靠它们的,都必这样。
9lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
9以色列啊!你们要倚靠耶和华;他是你们(“你们”原文作“他们”)的帮助、你们(“你们”原文作“他们”)的盾牌。
10Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
10亚伦家啊!你们要倚靠耶和华;他是你们(“你们”原文作“他们”)的帮助、你们(“你们”原文作“他们”)的盾牌。
11imwi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.
11敬畏耶和华的啊!你们要倚靠耶和华;他是你们(“你们”原文作“他们”)的帮助、你们(“你们”原文作“他们”)的盾牌。
12Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni.
12耶和华顾念我们,必赐福给我们;他必赐福给以色列家,赐福给亚伦家。
13Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose.
13敬畏耶和华的,无论大小尊卑,他都必赐福。
14Jehovha acharamba achikuwanzai, imwi navana venyu.
14愿耶和华使你们增多,使你们和你们的子孙增多。
15imwi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi.
15愿你们蒙创造天地的耶和华赐福。
16Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu.
16天属于耶和华,地,他却赐给了世人。
17Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara;
17死人不能赞美耶和华,下到阴间的不能赞美他。
18Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!
18至于我们,我们要称颂耶和华,从现在直到永远。你们要赞美耶和华。