Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Psalms

22

1Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu?
1大卫的诗,交给诗班长,调用“黎明的鹿”。我的 神!我的 神!你为什么离弃我?为什么远离不救我,不听我呻吟的话呢?
2Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo.
2我的 神啊!我日间呼求,你不应允;在晚上我还是不停止。
3Asi imwi muri mutsvene, imwi mugere parumbidzo dzaIsiraeri.
3但你是圣洁的,是用以色列的赞美为宝座的。
4Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imwi mukavarwira.
4我们的列祖倚靠你,他们倚靠你,你就救他们。
5Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa.
5他们向你哀求,就得拯救;他们倚靠你,就不失望。
6Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose.
6但我是虫,不是人,是世上所羞辱的,也是众人所藐视的。
7Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti,
7看见我的,都嘲笑我;他们撇着嘴,摇着头,说:
8Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngaamurwire, zvaanomufarira iye.
8“他既然把自己交托耶和华,就让耶和华搭救他吧!耶和华既然喜悦他,就让耶和华拯救他吧!”
9Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemwi ndichiri pamazamu amai vangu.
9然而,是你使我从母腹中出来的;我在母亲的怀里,你就使我有倚靠的心。
10Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; imwi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.
10我自出母胎,就被交托给你;我一出母腹,你就是我的 神。
11Regai kuva kure neni; nekuti njodzi iri pedo; nekuti hapana angabatsira.
11求你不要远离我,因为灾难临近了,却没有人帮助我。
12Hondo zhinji dzakandikomba; Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza.
12有许多公牛围着我,巴珊强壮的公牛困住了我。
13Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza ichiomba.
13他们向我大大地张嘴,像抓撕吼叫的狮子。
14Ndakadururwa semvura, mafupa angu ose akasvodogoka; moyo wangu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moura hwangu.
14我好像水被倾倒出去,我全身的骨头都散脱了,我的心在我里面像蜡融化。
15Simba rangu rakaoma sechaenga; Rurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; Makandiisa paguruva rorufu.
15我的精力像瓦片一样枯干,我的舌头紧粘着上颚,你把我放在死亡的尘土中。
16Nekuti imbwa dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu;
16犬类围着我,恶党环绕我,他们扎了我的手我的脚。
17Ndingaverenga mafupa angu ose; Vanonditarira nokundinananidza;
17我能数算我全身的骨头,他们却瞪着眼看我。
18Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.
18他们彼此分了我的外衣,又为我的内衣抽签。
19Asi imwi Jehovha, regai kuva kure neni; imwi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
19至于你,耶和华啊!求你不要远离我;我的力量啊!求你快来帮助我。
20Rwirai mweya wangu pamunondo; Mudikamwa wangu pasimba rembwa.
20求你搭救我的性命脱离刀剑,搭救我的生命脱离恶狗的爪。
21Ndiponesei pamuromo weshumba; Zvirokwazvo, makandipindura ndiri pakati penyanga dzenyati.
21求你拯救我脱离狮子的口,拯救我脱离野牛的角。你已经应允了我。
22Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; Ndichakurumbidzai pakati peungano.
22我要向我的兄弟宣扬你的名,我要在聚会中赞美你。
23imwi munotya Jehovha, murumbidzei; imwi mose vana vaJakove, mukudzei; Mumutyei, imwi mose vana vaIsiraeri.
23敬畏耶和华的人哪!你们要赞美他;雅各所有的后裔啊!你们都要尊敬他;以色列所有的后裔啊!你们都要惧怕他。
24Nekuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko raanotambudzwa; Kana kumuvanzira chiso chake; Asi panguva yaakachema kwaari akamunzwa.
24因为他不轻看,不厌恶受苦的人的痛苦,也没有掩面不顾他;受苦的人呼求的时候,他就垂听。
25Kurumbidza kwangu paungano huru kunobva kwamuri; Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya.
25在大会中,我赞美你的话是从你而来的;在敬畏耶和华的人面前,我要还我的愿。
26Vanyoro vachadya vakaguta; Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza; moyo yenyu ngairarame nokusingaperi.
26受苦的人必吃得饱足,寻求耶和华的人必赞美他,愿你们的心永远活着!
27Migumo yose yenyika icharangarira nokudzokera kuna Jehovha; Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri.
27地的四极,都要记念耶和华,并且归向他。列国的万族,都要在他(“他”有古抄本作“你”)面前敬拜。
28Nekuti ushe ndohwaJehovha; Ndiye mubati wavahedheni.
28因为国度是属于耶和华的,他是掌管万国的。
29Vakuru vose venyika vachadya nokunamata; Vose vanoburukira kuguruva vachapfugama pamberi pake, Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake.
29地上所有富足的人,都必吃喝、敬拜;所有下到尘土中,不再存活的人,都在他面前屈身下拜。
30Vana vake vachanamata kwaari; Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha.
30必有后裔服事他,必有人把主的事向后代述说。
31Vachauya vachidudzira kururama kwake Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita.
31他们要把他的公义传给以后出生的民,说明这是他所作的。