1Ndichadana kwamuri, Jehovha; Dombo rangu, regai kundinyararira; zvimwe, kana mukandinyararira, ndingafanana navanoburukira kugomba.
1大卫的诗。耶和华啊!我向你呼求;我的磐石啊!不要不听我;如果你缄默不理我,我就跟那些下坑的人一样。(本节在《马索拉抄本》包括细字标题)
2Inzwai inzwi remikumbiro yangu, kana ndichichema kwamuri, Kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene.
2我向你呼求,向你的至圣所举手祷告的时候,求你垂听我恳求的声音。
3Musandibvuta pamwechete navakaipa, Navanoita zvakashata; Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo, Asi zvakashata zviri mumoyo mavo.
3求你不要把我和坏人,跟作恶的人一同除掉;他们与邻居说平安的话,心里却存着奸恶。
4Muvape zvakaenzana nebasa ravo, uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita, Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo; Muvaitire sezvakavafanira.
4愿你按着他们所作的,照着他们所行的恶报应他们;愿你照着他们手所作的报应他们,把他们应得的报应加给他们。
5Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha, Nezvaakabata namaoko ake, Iye achavaputsa, akasavavakazve.
5他们既然不关心耶和华的作为,和他手所作的,耶和华就必拆毁他们,不建立他们。
6Jehovha ngaavongwe, nekuti akanzwa inzwi rokukumbira kwangu.
6耶和华是应当称颂的,因为他听了我恳求的声音。
7Jehovha ndiye simba rangu nenhovo yangu; moyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka moyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.
7耶和华是我的力量,是我的盾牌;我的心倚靠他,我就得到帮助;所以我的心欢乐。我要用诗歌颂赞他。
8Jehovha ndiye simba ravo, Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake.
8耶和华是他子民的力量,又是他受膏者得救的保障。
9Ponesai vanhu venyu, muropafadze nhaka yenyu; Muvafudzewo, muvatakure nokusingaperi.
9求你拯救你的子民,赐福给你的产业,牧养他们,怀抱他们,直到永远。