1Inzwai chinhu ichi, imwi vanhu vose; Teererai, imwi mose mugere panyika;
1可拉子孙的诗,交给诗班长。万民哪!你们要听这话;世上的居民哪!你们要留心听。
2imwi vaduku navanokudzwa, Vafumi navarombo pamwechete.
2不论地位高低,或贫或富,都要一同留心听。
3Muromo wangu uchataura huchenjeri; Uye kufunga komoyo wangu kuchava nenjere.
3我的口要说出智慧的话;我的心要默想明智的事。
4Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo; Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira.
4我要留心聆听箴言;我要弹琴解开谜语。
5Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa, Kana zvakaipa, zvavari pazvitsitsinho zvangu, zvichindikomba?
5在患难的日子,暗中迫害我的恶人围绕我的时候,我何须惧怕呢?
6Ivo, vanovimba nefuma yavo, Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwefuma yavo;
6他们倚靠财富,自夸多财。
7Hapana angatongodzikunura hama yake, Kana kupa Mwari rudzikunuro pamusoro pake;
7但他们没有一个能把他的兄弟赎回,或把他的赎价交给 神,
8(Nokuti rudzikunuro rwemweya yawo runokosha, Runofanira kuregwa nokusingaperi;)
8(因为他生命的赎价非常昂贵,只好永远放弃,)
9Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuona kuora.
9使他永远活着,不见朽坏。
10nekuti anoona kuti vachenjeri vanofa, Benzi neasina njere vanopera pamwechete, Vachisiira vamwe fuma yavo.
10他看见智慧人死去,愚昧人和愚顽人一同灭亡,把他们的财产留给别人。
11Murarangariro wavo wechomukati ndiwo kuti dzimba dzavo dzichagara nokusingaperi, Nougaro hwavo kusvikira kumarudzi avo ose; Nyika dzavo vanodzitumidza mazita avo.
11他们心里想,他们的家必永存,他们的住处必留到万代;他们以自己的名,称自己的地方。
12Asi munhu haagari achikudzwa, Akafanana nemhuka dzinopera.
12但是人不能长享富贵;他们就像要灭亡的牲畜一样。
13Iyi ndiyo nzira yamapenzi; Kunyange zvakadaro vanhu vanovatevera vachitenda zvavanotaura.
13这就是愚昧人的道路;但在他们以后的人,还欣赏他们的话。(细拉)
14Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchavafudza; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Chimiro chavo ndechekuparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.
14他们好像羊群被派定下阴间;死亡必作他们的牧人。到了早晨,正直人要管辖他们;他们的形体必被阴间消灭,他们再没有住处。
15Asi Mwari achadzikunura mweya wangu pasimba reSheori, nekuti iye achandigamuchira.
15但 神必救赎我的灵魂脱离阴间的权势,因为他必把我接去。(细拉)
16Usatya hako iwe kana mumwe munhu achifumiswa, Kana fuma yeimba yake ichiwedzerwa.
16别人发财,家室增荣的时候,你不要惧怕。
17Nekuti kana achifa hapana chaachaenda nacho; Mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.
17因为他死的时候,什么也不能带走;他的荣华也不能随他下去。
18Kunyange paupenyu hwake waikorokotedza mweya wake (Kunyange vanhu vaikurumbidza kana uchizviitira zvakanaka),
18他在世的时候,虽然自称是有福的,并且说:“只要你丰足,人就称赞你。”
19Achaenda iye kurudzi rwamadzibaba ake; Ivo havangatongooni chiedza nokusingaperi.
19他还要归到他历代的祖宗那里去,永不再见光明。
20Munhu, anokudzwa, asina njere, Akafanana nemhuka dzinopera.
20人享富贵而不聪明,就像要灭亡的牲畜一样。