1Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro.
1亚萨的诗。大能者 神耶和华已经说话,从日出之地到日落之处呼唤大地。(本节在《马索拉抄本》包括细字标题)
2Mwari akapenya Ari paZiyoni, iro rakanaka-naka kwazvo.
2 神从全美的锡安,已经彰显荣光。
3Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza.
3我们的 神来临,决不缄默无声;在他面前有火燃烧,在他四周有暴风刮起。
4Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake;
4他向天上、向地下呼唤,为要审判自己的子民,说:
5Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro.
5“你们把我的圣民聚集到我这里来,就是那些用祭物与我立约的人。”
6Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; nekuti Mwari ndiye mutongi amene.
6诸天宣扬他的公义,因为 神自己就是审判者。(细拉)
7Inzwai vanhu vangu, ndichataura; imwi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu.
7“我的子民哪!你们要听,我要说话;以色列啊!我要控诉你;我是 神,是你的 神。
8Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose.
8我不是因你的祭物责备你,你的燔祭常在我面前。
9Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako.
9我不从你家里取公牛,也不从你羊圈中取公山羊。
10Nekuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.
10因为树林中的百兽是我的,千山上的牲畜也是我的。
11Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu.
11山中的雀鸟我都认识,田野的走兽也都属我。
12Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe, nekuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo.
12如果我饿了,我也不用对你说;因为世界和其中所充满的,都是我的。
13Ko ndingadya nyama yehando, Kana kumwa ropa rembudzi here?
13难道我要吃公牛的肉吗?要喝公山羊的血吗?
14Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wekumusoro-soro mhiko dzako;
14你要以感谢为祭献给 神,又要向至高者还你的愿。
15Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.
15在患难的日子,你呼求我。我必搭救你,你也必尊敬我。”
16Asi kuneakaipa Jehovha anoti, Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako?
16但 神对恶人说:“你怎么敢述说我的律例,你的口怎么敢提到我的约呢?
17Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako.
17至于你,你憎恨管教,并且把我的话丢在背后。
18Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe.
18你看见盗贼的时候,就乐于和他在一起;你又与行淫的人有分。
19Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema.
19你使你的口乱说坏话,使你的舌头编造谎言。
20Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako.
20你经常毁谤你的兄弟,诬蔑你母亲的儿子。
21Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako.
21你作了这些事,我默不作声;你以为我和你一样?其实我要责备你,要当面指控你。
22Zvino fungai chinhu ichi, imwi vokukangamwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri,
22忘记 神的人哪!你们要思想这事,免得我把你们撕碎,没有人能搭救。
23Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.
23凡是以感谢为祭献上的,就是尊敬我;那预备道路的,我必使他得见 神的救恩。”