1Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.
1大卫的诗,交给诗班长,照耶杜顿的做法。唯独等候 神,我的心才有安息;我的拯救从他而来。
2Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru.
2唯独他是我的磐石,我的拯救;他是我的保障,我必不至动摇。
3Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko, Kuti mumuuraye imwi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotsveyama?
3你们大家攻击一个人,要把他杀害,如同拆毁倾斜的墙,将倒的壁,要到几时呢?
4Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumoyo mavo.
4他们彼此商议,务要把他从尊位上拉下来;他们喜爱谎话;他们口虽祝福,心却咒诅。(细拉)
5Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo nekuti ndinomutarira iye.
5唯独等候 神,我的心才有安息;因为我的盼望是从他而来的。
6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi.
6唯独他是我的磐石,我的拯救;他是我的保障,我必不至动摇。
7Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari.
7我的拯救,我的荣耀,都在于 神;我坚固的磐石,我的避难所,都在于 神。
8Vimbai naye nguva dzose, imwi vanhu; Dururai moyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro bwedu.
8众民哪!你们要常常倚靠他,在他面前倾心吐意;因为 神是我们的避难所。
9Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.
9卑贱的人真是虚空,高贵的人也是虚假,放在天平上就必升起;他们加在一起比空气还轻。
10Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana fuma ichiwanda, regai kuinamatira nomoyo.
10不要倚靠借强暴得来的财物,也不要妄想倚靠抢夺回来的钱财;如果财宝加增,你的心也不要倚靠它。
11Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari;
11 神说了一次,我两次听过这事:能力都属于 神。
12Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; nekuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.
12主啊!慈爱也属于你,你必照各人所作的报应各人。