1Ipai mambo zvamakatonga, Mwari, Nokururama kwenyu kumwanakomana wamambo.
1所罗门的诗。 神啊!求你把你的公正赐给王,把你的公义赐给王子。(本节在《马索拉抄本》包括细字标题)
2Achatongera vanhu venyu nokururama, Navarombo venyu achavaruramisira.
2他要按着公义审判你的子民,凭着公正审判你的困苦人。
3Makomo nezvikomo achavigira vanhu rugare,nezvikomo nekururama.
3因着公义,愿大山和小山都给人民带来和平。
4Achatongera varombo vavanhu, Achaponesa vana vavashaiwi, Nokupwanya mumanikidzi.
4他必为民间的困苦人伸冤,拯救贫穷人,粉碎那欺压人的。
5Vachakutyai kana zuva richipo, Uye kana mwedzi uchipo, kusvikira kumarudzi namarudzi.
5他必像日月一般长久,直到万代(本节按照《马索拉抄本》应作“日月还在的时候,愿人都敬畏你,直到万代”;现参照《七十士译本》翻译)。
6Achaburuka iye semvura pauswa hwakagurirwa; Semvura inonaya ichidiridza pasi.
6他必像雨降在已割的草地上,像甘霖滋润大地。
7Nemisi yake akarurama achakura zvakanaka; Rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.
7他在世的日子,义人必兴旺,四境太平,直到月亮不再重现。
8Achabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, Nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.
8他要执掌权柄,从这海到那海,从大河直到地极。
9Vagere pamarenje vachapfugama pamberi pake; Vavengi vake vachananzva guruva.
9住在旷野的人必向他屈身,他的仇敌必舔尘土。
10Madzimambo eTarishishi neezviwi achauya nezvipo; Madzimambo eShebha neSebha vachamuvigira zvipo;
10他施和海岛的列王都必带来礼物,示巴和西巴的列王都必献上贡物。
11Zvirokwazvo, madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; Ndudzi dzose dzichamushumira.
11众王都必向他俯伏,万国都必服事他。
12nekuti acharwira mushaiwi kana achidanidzira; Nomurombo asina mubatsiri.
12因为贫穷人呼求的时候,他就搭救;没有人帮助的困苦人,他也搭救。
13Achanzwira nyasha murombo nomushaiwi, Achaponesa mweya yavashaiwi.
13他必怜恤软弱和贫穷的人,拯救贫穷人的性命。
14Achadzikunura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; Ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake;
14他要救他们脱离欺凌和强暴,他们的血在他眼中看为宝贵。
15Iye achararama, achapiwa ndarama yeShebha; Vanhu vacharamba vachimunyengeterera; Vachamuvonga zuva rose.
15愿他长久活着,愿人把示巴的金子奉给他,愿人为他不住祷告,终日给他祝福。
16Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo; Zvibereko zvazvo zvichavhunga seRebhanoni; Vanogara paguta vachakura souswa pasi.
16愿地上五谷丰登,山顶上也都丰收;愿地上的果实茂盛,像黎巴嫩山的树林,愿城里的人繁衍,好像地上的青草。
17Zita rake richavapo nokusingaperi; Zita rake richagara riripo panguva yose yokuvapo kwezuva; Vanhu vacharopafadzwa maari; Ndudzi dzose dzichati, Anomufaro.
17愿他的名永远常存,愿他的名延续像太阳的恒久;愿万人都因他蒙福,愿万国都称他为有福的。
18Jehovha Mwari, iye Mwari waIsiraeri, ngaarumbidzwe, Iye oga anoita zvinoshamisa.
18独行奇事的以色列的 神,就是耶和华 神,是应当称颂的。
19Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; Pasi pose ngapazadzwe nokubwinya kwenyu. Ameni, Ameni.
19他荣耀的名也是应当永远称颂的;愿他的荣耀充满全地。阿们,阿们。
20Minyengetero yaDhavhidhi mwanakomana waJese yapera.
20耶西的儿子大卫的祷告完毕。