Shona

聖經新譯本 (Simplified)

Psalms

74

1Haiwa Mwari, makatirashireiko nokusingaperi? Hasha dzenyu dzinopfungairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko?
1亚萨的训诲诗。 神啊!你为什么永远丢弃我们呢?为什么你的怒气向你草场上的羊群好像烟冒出呢?(本节在《马索拉抄本》包括细字标题)
2Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare, Yamakadzikunura kuti ruve rudzi rwenhaka yenyu; Gomo reZiyoni pamakanga mugere.
2求你记念你在古时买赎的会众,就是你赎回作你产业的民族;求你记念你所居住的锡安山。
3Simudzai makumbo enyu muone zvakaparadzwa zvinoenderera, Izvo zvakaipa zvose zvakaitwa navavengi panzvimbo tsvene.
3求你举步去看那些长久荒凉的地方,去看仇敌在圣所里所行的一切恶事。
4Vadzivisi venyu vakanduruma pakati peungano yenyu; Vakamisa mireza yavo zvive zviratidzo.
4你的敌人在敬拜你的聚会中吼叫,他们竖起了自己的旗帜为记号。
5Vakafanana navanhu vakasimudza Masanhu mudondo remiti.
5他们好像那些举起斧子,在树林中砍伐树木的人。
6Zvino zvose zvakavezwa zvayo Vanozviputsa nedimuro nenyundo.
6圣殿中的一切雕刻,他们都用斧子和铳子打碎了。
7Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nomoto; Vakashatisa ugaro bwezita renyu vachihuputsira pasi.
7他们用火把你的圣所烧成焦土,他们亵渎你名的居所。
8Vakati mumoyo mavo, Ngativaparadze pamwechete; Vakapisa nzvimbo dzose pavanounganira Mwari munyika.
8他们心里说:“我们要把它们完全毁灭!”他们烧毁了地上一切敬拜 神的聚会地方。
9Hatichaoni zviratidzo zvedu; Hapachina muporofita; Pakati pedu hapana munhu anoziva kuti zvichasvikira rinhi.
9我们看不见我们的记号,也不再有先知;我们中间也没有人知道这灾祸要到几时。
10Haiwa Mwari, mudzivisi, achashora kusvikira rinhiko? Muvengi acharamba achizvidza zita renyu nokusingaperi here?
10 神啊!敌人辱骂你要到几时呢?仇敌亵慢你的名要到永远吗?
11Munodzosereiko ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi? Rutambanudzei pachipfuva chenyu, muvapedze.
11你为什么把你的手,就是你的右手收回呢?求你从怀中抽出来毁灭他们。
12Kunyange zvakadaro Mwari ndiye Mambo wangu kubva kare, Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika,
12 神自古以来就是我的君王,在地上施行拯救。
13Makapamura gungwa nesimba renyu; Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura.
13你曾用你的大能分开大海,把海中怪兽的头都打碎了。
14Makaputsanya misoro yengwena, Makaipa vanhu vagere murenje kuti ive nyama yavo.
14你砸碎了利未亚坦(“利未亚坦”为原文音译词,或译:“海怪”〔伯3:8〕或“鳄鱼”〔伯41:1〕)的头,把它给住在旷野的人作食物。
15Makapamura tsime neboporodzi; Makapwisa nzizi huru.
15你曾开辟泉源和溪流,又使长流不息的江河干涸。
16Masikati ndeenyu, nousiku ndobwenyuwo; Ndimi makagadzira chiedza nezuva.
16白昼是你的,黑夜也是你的,月亮和太阳,都是你设立的。
17Ndimi makatara miganho yose yapasi; Ndimi makaita zhizha nechando.
17地上的一切疆界都是你立定的,夏天和冬天都是你制定的。
18Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi akakuzvidzai, Jehovha, Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu.
18耶和华啊!仇敌辱骂你,愚顽人亵渎你的名,求你记念这事。
19Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu; Musakangamwa upenyu hwevarombo venyu.
19求你不要把你斑鸠的性命交给野兽,不要永远忘记你困苦人的性命。
20Rangarirai sungano; nekuti nzvimbo dzine rima dzapasi dzizere nougaro hwevamanikidzi.
20求你顾念所立的约,因为地上黑暗的地方充满了强暴的居所。
21Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege kudzoka vachinyara; Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu.
21不要使受欺压的人蒙羞回去,要使困苦、贫穷的人赞美你的名。
22Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu, Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose.
22 神啊!求你起来,为你的案件辩护,要记得愚顽人终日对你的辱骂。
23Regai kukangamwa inzwi ravadzivisi venyu; Bope ravanokumukirai rinogara richikwira.
23求你不要忘记你敌人的声音,不要忘记那些起来与你为敌的人不住加剧地喧闹。