1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; nekuti akaita zvinhu zvinoshamisa; Chanza chake chorudyi, noruoko rwake rutsvene, zvakamukundisa.
1诗一首。你们要向耶和华唱新歌,因为他行了奇妙的事;他的右手和他的圣臂,为他施行拯救。
2Jehovha akazivisa kuponesa kwake; Akaratidza pachena kururama kwake pamberi pavahedheni.
2耶和华显明了他的救恩,在列国眼前显示了他的公义。
3Akarangarira tsitsi dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsiraeri; Migumo yose yapasi yakaona kuponesa kwaMwari wedu.
3他记念他向以色列家所应许的慈爱和信实,地的四极都看见我们 神的救恩。
4Pururudzirai Jehovha, pasi pose; Danidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza.
4全地都要向耶和华欢呼,要发声欢唱,要歌颂。
5Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza nembira; Nembira, uye nenzwi rokuimba.
5要弹琴歌颂耶和华,要用琴和歌声歌颂他;
6Nehwamanda, nenzwi romumhanzi Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha.
6要用号筒和号角的声音,在大君王耶和华面前欢呼。
7Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo.
7愿海和海中充满的,都翻腾响闹,愿世界和住在世上的也都发声;
8Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro;
8愿江河拍手,愿群山一起欢呼;
9Pamberi paJehovha, nekuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama.
9它们都要在耶和华面前欢呼,因为他来是要审判全地,他要按着公义审判世界,凭着公正审判万民。