1Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe.
1当尊崇圣洁公义的 神耶和华作王,万民都要战栗;他坐在两个基路伯之上,大地也要震动。
2Jehovha mukuru paZiyoni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose.
2耶和华在锡安是至大的,他崇高,超过万民。
3Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene.
3愿他们称赞你伟大可畏的名。他是圣洁的。
4Simba ramambo rinodawo kururamisa; imwi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakove.
4王有能力(“王有能力”原文作“王的能力”),喜爱公正;你坚立正义;你在雅各家施行公正和公义。
5Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene.
5你们要尊崇耶和华我们的 神,在他的脚凳前敬拜;他是圣洁的。
6Mozisi naAroni pakati pavapristi vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
6在他的祭司中有摩西和亚伦,在求告他名的人中有撒母耳;他们求告耶和华,他就应允他们。
7Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa.
7他从云柱中对他们说话;他们谨守耶和华赐给他们的法度和律例。
8Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakangamwira, Kunyange makatsiva zvavaiita.
8耶和华我们的 神啊!你应允了他们;你虽然按照他们所行的报应他们,但对他们来说,你是一位赦免人的 神。
9Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; nekuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.
9你们要尊崇耶和华我们的 神,在他的圣山上敬拜,因为耶和华我们的 神是圣洁的。