1Erihu akapfuurawo, akati,
1وعاد اليهو فقال
2Nditenderei henyu zvishoma, ndikuratidzei; nekuti ndichine zvimwe zvandinoda kutaura pamusoro paMwari.
2اصبر عليّ قليلا فابدي لك انه بعد لاجل الله كلام.
3Ndichatora zivo yangu kure, Ndicharatidza kuti Muiti wangu akarurama.
3أحمل معرفتي من بعيد وأنسب برا لصانعي.
4nekuti zvirokwazvo, mashoko angu haane nhema; Mumwe akakwana pazivo unemi.
4حقا لا يكذب كلامي. صحيح المعرفة عندك
5Tarirai, Mwari ane simba, asi haashori munhu; imhare pasimba renjere.
5هوذا الله عزيز ولكنه لا يرذل احدا. عزيز قدرة القلب.
6Haachengeti upenyu hwevakaipa; Asi anoruramisira vanotambudzika.
6لا يحيي الشرير بل يجري قضاء البائسين.
7Haaregi kutarira vakarurama nameso ake; Asi anovagarisa pachigaro choushe pamwechete namadzimambo, Anovagarisa nokusingaperi, vachikudzwa.
7لا يحوّل عينيه عن البار بل مع الملوك يجلسهم على الكرسي ابدا فيرتفعون.
8Asi kana vachinge vasungwa namaketani, Kana kubatwa namabote okutambudzika;
8ان أوثقوا بالقيود ان أخذوا في حبالة الذل
9Ipapo unovazivisa mabasa avo, Nokudarika kwavo, kuti vakafamba vachizvikudza.
9فيظهر لهم افعالهم ومعاصيهم لانهم تجبّروا
10Unodziurawo nzeve dzavo vanzwe kuraira kwake, Unovaraira kuti vadzoke pazvakaipa zvavo.
10ويفتح آذانهم للانذار ويامر بان يرجعوا عن الاثم.
11Kana vakamunzwa nokumushumira, Vachapedzisa mazuva avo vachifara, Namakore avo vari pane zvinofadza.
11ان سمعوا واطاعوا قضوا ايامهم بالخير وسنيهم بالنّعم.
12Asi kana vakaramba kuteerera, vachapera nomunondo, Vachafa vasina zivo.
12وان لم يسمعوا فبحربة الموت يزولون ويموتون بعدم المعرفة.
13Asi vasingadi Mwari pamoyo vanozviunganidzira kutsamwa; Havaridzi mhere kuti vabatsirwe kana achivasunga.
13اما فجّار القلب فيذخرون غضبا. لا يستغيثون اذا هو قيّدهم.
14Vanofa vachiri vaduku, Hupenyu hwavo hunopera sohwavasina kururama.
14تموت نفسهم في الصبا وحياتهم بين المابونين.
15Anorwira anotambudzika pakutambudzika kwake, Unodziura nzeve dzavo pakumanikidzwa kwavo.
15ينجّي البائس في ذلّه ويفتح آذانهم في الضيق
16Zvirokwazvo, akanga achida kukubvisai panjodzi Kukusvitsai panzvimbo yakafara, pasina kumanikana; Kuti zvinoiswa patafura yenyu zvive zvizere namafuta.
16وايضا يقودك من وجه الضيق الى رحب لا حصر فيه ويملأ مؤونة مائدتك دهنا.
17Asi imwi muzere nokutonga vakaipa; Kutonga nokururamisira zvinokubatai.
17حجة الشرير اكملت فالحجة والقضاء يمسكانك.
18nekuti chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pakudadira; ukuru bwedzikunuro hurege kukutsausai.
18عند غضبه لعله يقودك بصفقة. فكثرة الفدية لا تفكّك.
19Ko fuma yenyu ingaringana, kuti murege kutambudzika here, Uye simba renyu rose-rose here?
19هل يعتبر غناك. لا التبر ولا جميع قوى الثروة.
20Musashuva usiku apo ndudzi dzinobviswa panzvimbo yadzo.
20لا تشتاق الى الليل الذي يرفع شعوبا من مواضعهم.
21Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa; nekuti ndizvo zvamakasanangura kupfuura kutambudzika.
21احذر. لا تلتفت الى الاثم لانك اخترت هذا على الذل
22Tarirai, Mwari anoita zvinhu zvikuru nesimba rake; Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?
22هوذا الله يتعالى بقدرته. من مثله معلما.
23Ndianiko akamuraira nzira yake? Kana ndianiko angati, Makaita zvisina kururama here?
23من فرض عليه طريقه او من يقول له قد فعلت شرا.
24Rangarirai, kuti murumbidze basa rake, Rakaimbwa navanhu.
24اذكر ان تعظم عمله الذي يغني به الناس.
25Vanhu vose vakaritarira; Vanhu vanoriona vari kure.
25كل انسان يبصر به. الناس ينظرونه من بعيد.
26Tarirai, Mwari mukuru; asi isu hatimuzivi; Kuwanda kwamakore ake hakunganzverwi.
26هوذا الله عظيم ولا نعرفه وعدد سنيه لا يفحص.
27nekuti anokwevera kumusoro madonhedza emvura, Anoshanduka mvura inonaya ichibva pamwando wawo;
27لانه يجذب قطار الماء. تسحّ مطرا من ضبابها.
28Inodururwa namakore Ichidonhera yawanda pamusoro pavanhu.
28الذي تهطله السحب وتقطره على اناس كثيرين.
29Ko kuno munhu anganzwisisa kudhadhanurwa kwamakore, Nokutinhira kwetende rake here?
29فهل يعلل احد عن شق الغيم او قصيف مظلته.
30Tarirai, unodhadhanura chiedza chake kunhivi dzake dzose; Unofukidza pasi pegungwa.
30هوذا بسط نوره على نفسه ثم يتغطى باصول اليم.
31nekuti naizvozvi anotonga ndudzi dzavanhu; Anovapa zvokudya zvizhinji.
31لانه بهذه يدين الشعوب ويرزق القوت بكثرة.
32Anofukidza maoko ake nemheni; Nokuiraira kuti irove payakaratidzwa.
32يغطي كفّيه بالنور ويامره على العدو.
33Mubvumo wayo unomuzivisa, Nemombewo dzinonzwa kuti unouya.
33يخبر به رعده المواشي ايضا بصعوده