1Ipapo Jehovha akapindura Jobho, ari pachamupupuri, akati,
1فاجاب الرب ايوب من العاصفة وقال
2Ndianiko uya anodzima zano rangu achiriita rima Namashoko asine zivo here?
2من هذا الذي يظلم القضاء بكلام بلا معرفة.
3Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; nekuti ndichakubvunzisisa, iwe undidudzire.
3اشدد الآن حقويك كرجل. فاني اسألك فتعلمني.
4Iwe wakange uripiko panguva yandakateya nheyo dzenyika? Chidudzira, kana une zivo iwe.
4اين كنت حين اسست الارض. أخبر ان كان عندك فهم.
5Ndianiko akatara kukura kwayo, kana uchizviziva? Kana ndianiko akaiyera norwonzi?
5من وضع قياسها. لانك تعلم. او من مدّ عليها مطمارا.
6Ko nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndianiko akateya ibwe rayo rekona?
6على اي شيء قرّت قواعدها او من وضع حجر زاويتها
7Panguva yakaimba nyeredzi dzamambakwedza pamawa, Uye vanakomana vose vaMwari vachipururudza nomufaro?
7عندما ترنمت كواكب الصبح معا وهتف جميع بني الله
8Kana ndianiko wakadzivira gungwa nemikova, Panguva yokudzutuka kwaro, richibuda pachizvaro;
8ومن حجز البحر بمصاريع حين اندفق فخرج من الرحم.
9Panguva yandakaita gore nenguva yaro, Uye rima guru uve mucheka wokuriputira nawo;
9اذ جعلت السحاب لباسه الضباب قماطه
10Panguva.yandakaritarira muganhu waro, Ndikariisira mazariro nemikova,
10وجزمت عليه حدّي واقمت له مغاليق ومصاريع
11Ndikati, Ungasvikira pano, asi haungapfuvuri; Mafungu ako, anozvikudza, achadzivirirwa pano?
11وقلت الى هنا تاتي ولا تتعدى وهنا تتخم كبرياء لججك
12Iwe wakatongoraira mangwanani kubva pakutanga kwamazuva ako here, Ukaratidza mambakwedza nzvimbo yawo here?
12هل في ايامك امرت الصبح. هل عرّفت الفجر موضعه
13Kuti abate migumo yenyika, Vakaipa vazuzwe vabve pairi here?
13ليمسك باكناف الارض فينفض الاشرار منها.
14Zvinoshanduka sevhu kana richitsikwa nechisimbiso, Zvinhu zvose zvichionekwa sapanguvo.
14تتحول كطين الخاتم وتقف كانها لابسة.
15Vakaipa vanodzitirirwa chiedza chavo, Ruoko, runozvikudza, runovhuniwa.
15ويمنع عن الاشرار نورهم وتنكسر الذراع المرتفعة
16Iwe wakatongopinda pamatsime egungwa here? Kana wakatongofamba pakadzikadzika pasi here?
16هل انتهيت الى ينابيع البحر او في مقصورة الغمر تمشّيت.
17Masuwo orufu akatongokuzarurirwa here? Kana wakatongoona masuwo omumvuri worufu here?
17هل انكشفت لك ابواب الموت او عاينت ابواب ظل الموت.
18Wakatongonzwisisa upamhi bwenyika here? Dudzira, kana uchizviziva zvose.
18هل ادركت عرض الارض. اخبر ان عرفته كله
19Nzira iripiko inoenda kunogara chiedza, Kana riri rima, nzvimbo yaro iripiko?
19اين الطريق الى حيث يسكن النور. والظلمة اين مقامها
20Kuti undozviisa kumiganho yazvo, Uye kuti uzive nzira dzinoenda kumusha wazvo here?
20حتى تاخذها الى تخومها وتعرف سبل بيتها.
21Unenge unoziva hako, nekuti wakange wakazvarwa panguva iyo! Mazuva ako anenge akawanda kwazvo!
21تعلم لانك حينئذ كنت قد ولدت وعدد ايامك كثير
22Wakatongopinda panovigwa fuma yamazaya echando here, Kana wakatongoona panovigwa fuma yechimvuramabwe here?
22أدخلت الى خزائن الثلج ام ابصرت مخازن البرد
23Izvo zvandakachengetera nguva yenhamo, Nezuva rokurwa nehondo here?
23التي ابقيتها لوقت الضر ليوم القتال والحرب.
24Chiedza chinoparadzaniswa nomutowo upiko, Uye mhepo inobva mabvazuva inopararira seiko panyika?
24في اي طريق يتوزع النور وتتفرق الشرقية على الارض.
25Ndianiko akacherera boporodzi remvura mugero, Kana kuratidzira mheni yomutinhiro nzira yayo;
25من فرّع قنوات للهطل وطريقا للصواعق
26Kuti mvura iniswe panyika isina vanhu, Parenje pasina vanhu;
26ليمطر على ارض حيث لا انسان. على قفر لا احد فيه.
27Kuti ivhu rakasiiwa nerakaparadzwa rigutswe; Uye bumhudza rimereswe here?
27ليروي البلقع والخلاء وينبت مخرج العشب
28Ko mvura inonaya inababa here? Kana ndianiko wakazvara madonhedza edova?
28هل للمطر اب ومن ولد مآجل الطل.
29Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? Uye chando chokudenga ndianiko akachibereka?
29من بطن من خرج الجمد. صقيع السماء من ولده.
30Mvura inogwamba sebwe, Gungwa rakadzika rinogwamba pamusoro paro.
30كحجر صارت المياه. أختبأت. وتلكد وجه الغمر
31Ko iwe ungasunga sumbu reChinyamutanhatu, Kana kusunungura zvisungo zveOrionhi here?
31هل تربط انت عقد الثريا او تفك ربط الجبّار.
32Iwe ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungagona kufambisa Arikituro navanakomana vayo here?
32أتخرج المنازل في اوقاتها وتهدي النعش مع بناته
33Iwe unoziva mitemo yokudenga here? Iwe ungagona kuraira ushe hwazvo panyika here?
33هل عرفت سنن السموات او جعلت تسلطها على الارض.
34Ko iwe ungasvitsa inzwi kumakore, Kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here?
34أترفع صوتك الى السحب فيغطيك فيض المياه.
35Iwe ungagona kutuma mheni, kuti dzifambe, Dzichiti kwauri, Tiri pano, here?
35اترسل البروق فتذهب وتقول لك ها نحن.
36Ndianiko akaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko akapa nyeredzi njere?
36من وضع في الطخاء حكمة او من اظهر في الشّهب فطنة.
37Ndianiko angagona kuverenga makore nohuchenjeri hwake here? Kana ndianiko angagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga?
37من يحصي الغيوم بالحكمة ومن يسكب ازقاق السموات
38Kana guruva richiungana pamwechete, Namavhinga achinamatirana here?
38اذ ينسبك التراب سبكا ويتلاصق المدر
39Ko iwe ungavhimira shumbakadzi, Kana kugutsa vana veshumba here?
39اتصطاد للّبوة فريسة ام تشبع نفس الاشبال
40Kana idzo dzichitsivama panzvimbo dzadzo, Nokurambira pakavanda dzichivandira here?
40حين تجرمز في عريّسها وتجلس في عيصها للكمون.
41Ndianiko anogadzirira gunguvo zvokudya zvaro,
41من يهيئ للغراب صيده اذ تنعب فراخه الى الله وتتردد لعدم القوت