1Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati,
1فاجاب ايوب الرب فقال
2Ndinoziva kuti imwi munogona kuita zvose, Uye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa.
2قد علمت انك تستطيع كل شيء ولا يعسر عليك أمر.
3Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo? Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, Zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.
3فمن ذا الذي يخفي القضاء بلا معرفة. ولكني قد نطقت بما لم افهم. بعجائب فوقي لم اعرفها.
4Chidonzwai henyu, nditaure ini, Ndichakubvunzai, imwi mundidudzire.
4اسمع الآن وانا اتكلم. اسألك فتعلمني.
5Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; Asi zvino ziso rangu rinokuonai,
5بسمع الاذن قد سمعت عنك والآن رأتك عيني.
6Saka ndinozvisema, nokuzvidemba Muguruva namadota.
6لذلك ارفض واندم في التراب والرماد
7Zvino Jehovha akati ataura mashoko iwayo kuna Jobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani, Ndakatsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nekuti imwi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu sezvakaita muranda wangu Jobho.
7وكان بعدما تكلم الرب مع ايوب بهذا الكلام ان الرب قال لأليفاز التيماني قد احتمى غضبي عليك وعلى كلا صاحبيك لانكم لم تقولوا فيّ الصواب كعبدي ايوب.
8Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nekuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi bwenyu; nekuti imwi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.
8والآن فخذوا لانفسكم سبعة ثيران وسبعة كباش واذهبوا الى عبدي ايوب واصعدوا محرقة لاجل انفسكم وعبدي ايوب يصلي من اجلكم لاني ارفع وجهه لئلا اصنع معكم حسب حماقتكم لانكم لم تقولوا فيّ الصواب كعبدي ايوب.
9Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha, Jehovha akagamuchira Jobho.
9فذهب اليفاز التيماني وبلدد الشوحي وصوفر النعماتي وفعلوا كما قال الرب لهم ورفع الرب وجه ايوب.
10Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.
10ورد الرب سبي ايوب لما صلى لاجل اصحابه وزاد الرب على كل ما كان لايوب ضعفا.
11Ipapo vanin'ina vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.
11فجاء اليه كل اخوته وكل اخواته وكل معارفه من قبل وأكلوا معه خبزا في بيته ورثوا له وعزّوه عن كل الشر الذي جلبه الرب عليه واعطاه كل منهم قسيطة واحدة وكل واحد قرطا من ذهب.
12Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe.
12وبارك الرب آخرة ايوب اكثر من اولاه وكان له اربعة عشر الفا من الغنم وستة آلاف من الابل والف فدان من البقر والف اتان.
13Akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.
13وكان له سبعة بنين وثلاث بنات.
14Akatumidza wokutanga zita rinonzi Jemima, nowechipiri zita rinonzi Kezia, nowechitatu zita rinonzi Kerenihapuki.
14وسمّى اسم الاولى يميمة واسم الثانية قصيعة واسم الثالثة قرن هفّوك.
15Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka pazviso zvavo vakapfuurawo vakunda vaJobho baba vavo vakapawo nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.
15ولم توجد نساء جميلات كبنات ايوب في كل الارض واعطاهنّ ابوهنّ ميراثا بين اخوتهنّ.
16Shure kwaizvozvo Jobho akazogara makore ane zana namakumi mana, akaona vanakomana vake, navanakomana vavanakomana vake, kusvikira pamarudzi mana.
16وعاش ايوب بعد هذا مئة واربعين سنة ورأى بنيه وبني بنيه الى اربعة اجيال.
17Zvino Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.
17ثم مات ايوب شيخا وشبعان الايام