Shona

Croatian

Psalms

86

1Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; nekuti ndiri murombo nomushaiwi.
1Molitva. Davidova. Prigni uho svoje, Jahve, i usliši me jer sam bijedan i ubog.
2Chengetai mweya wangu; nekuti ndiri mudikamwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi.
2Čuvaj dušu moju jer sam posvećen tebi; spasi slugu svoga koji se uzda u te! Ti si moj Bog;
3Ndinzwirei tsitsi, Ishe, nekuti ndinodana kwamuri zuva rose.
3o Gospode, smiluj mi se jer povazdan vapijem k tebi.
4Fadzai mweya womuranda wenyu, nekuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu.
4Razveseli dušu sluge svoga jer k tebi, Jahve, dušu uzdižem.
5Nekuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukangamwira, Mune tsitsi zhinji kuna vose vanodana kwamuri.
5Jer ti si, Gospode, dobar i rado praštaš, pun si ljubavi prema svima koji te zazivaju.
6Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai inzwi rokukumbira kwangu.
6Slušaj, Jahve, molitvu moju i pazi na glas vapaja mog.
7Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, nekuti muchandipindura.
7U dan tjeskobe vapijem k tebi jer ćeš me uslišati.
8Hapana akafanana nemwi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.
8Nema ti ravna među bozima, Gospode, nema djela kakvo je tvoje.
9Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicharumbidza zita renyu.
9Svi narodi što ih stvori doći će i klanjat' se tebi, o Jahve, i slavit će ime tvoje.
10Nekuti imwi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa, Ndimi Mwari woga.
10Jer ti si velik i činiš čudesa: ti si jedini Bog.
11Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muchokwadi chenyu, Batanidzai moyo wangu kuti nditye zita renyu.
11Uči me, Jahve, svojemu putu da hodim vjeran tebi, usmjeri srce moje da se boji imena tvojega!
12Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.
12Hvalit ću te, Gospode, Bože moj, svim srcem svojim, slavit ću ime tvoje dovijeka,
13Nekuti tsitsi dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.
13jer tvoje ljubavi prema meni ima izobila, istrgao si moju dušu iz dubine Podzemlja.
14Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo.
14O Bože, oholice se digoše na me, mnoštvo silnika život mi vreba i nemaju tebe pred očima.
15Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune tsitsi zhinji nechokwadi.
15No ti si, Gospode Bože, milosrdan i blag, spor na srdžbu - sama ljubav i vjernost.
16Ringirai kwandiri, mundinzwire tsitsi; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.
16Pogledaj na me i smiluj se meni; daj svome sluzi snage svoje i spasi sina sluškinje svoje!
17Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe, nekuti imwi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.
17Daj mi milostivo znak naklonosti svoje, da vide moji mrzitelji i da se postide, jer si mi ti, o Jahve, pomogao, ti me utješio.