Shona

Darby's Translation

John

9

1Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.
1And as he passed on, he saw a man blind from birth.
2Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi*, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?
2And his disciples asked him, saying, Rabbi, who sinned, this [man] or his parents, that he should be born blind?
3Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
3Jesus answered, Neither has this [man] sinned nor his parents, but that the works of God should be manifested in him.
4Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hwunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.
4I must work the works of him that has sent me while it is day. [The] night is coming, when no one can work.
5Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
5As long as I am in the world, I am [the] light of the world.
6Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,
6Having said these things, he spat on the ground and made mud of the spittle, and put the mud, as ointment, on his eyes.
7akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.
7And he said to him, Go, wash in the pool of Siloam, which is interpreted, Sent. He went therefore and washed, and came seeing.
8Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haazi iye uyu waigara achipemha here?
8The neighbours therefore, and those who used to see him before, that he was a beggar, said, Is not this he that was sitting and begging?
9Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.
9Some said, It is he; others said, No, but he is like him: *he* said, It is I.
10Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?
10They said therefore to him, How have thine eyes been opened?
11Iye akapindura akati: Munhu unonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami undoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.
11He answered [and said], A man called Jesus made mud and anointed mine eyes, and said to me, Go to Siloam and wash: and having gone and washed, I saw.
12Naizvozvo vakati kwaari: Iye uripi? Akati: Handizivi.
12They said therefore to him, Where is he? He says, I do not know.
13Vakamuisa kuvaFarisi, iye waimbova bofu.
13They bring him who was before blind to the Pharisees.
14Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.
14Now it was sabbath when Jesus made the mud and opened his eyes.
15Naizvozvo zvekare vaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndoona.
15The Pharisees therefore also again asked him how he received his sight. And he said to them, He put mud upon mine eyes, and I washed, and I see.
16Naizvozvo vamwe vevaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nekuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu uri mutadzi ungaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.
16Some of the Pharisees therefore said, This man is not of God, for he does not keep the sabbath. Others said, How can a sinful man perform such signs? And there was a division among them.
17Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
17They say therefore again to the blind [man], What dost thou say of him, that he has opened thine eyes? And he said, He is a prophet.
18Zvino vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve,
18The Jews therefore did not believe concerning him that he was blind and had received sight, until they had called the parents of him that had received sight.
19naizvovo zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Ikozvino woona sei?
19And they asked them saying, This is your son, of whom ye say that he was born blind: how then does he now see?
20Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;
20His parents answered [them] and said, We know that this is our son, and that he was born blind;
21asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake uchazvitaurira.
21but how he now sees we do not know, or who has opened his eyes we do not know. *He* is of age: ask *him*; *he* will speak concerning himself.
22Vabereki vake vakareva izvi, nekuti vaitya vaJudha; nekuti vaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani unobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
22His parents said these things because they feared the Jews, for the Jews had already agreed that if any one confessed him [to be the] Christ, he should be excommunicated from the synagogue.
23Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.
23On this account his parents said, He is of age: ask *him*.
24Naizvozvo vakadana rwechipiri iye munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
24They called therefore a second time the man who had been blind, and said to him, Give glory to God: we know that this man is sinful.
25Naizvozvo iye akapindura achiti: Kunyange ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.
25He answered therefore, If he is sinful I know not. One thing I know, that, being blind [before], now I see.
26Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?
26And they said to him again, What did he do to thee? how opened he thine eyes?
27Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?
27He answered them, I told you already and ye did not hear: why do ye desire to hear again? do ye also wish to become his disciples?
28Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.
28They railed at him, and said, Thou art his disciple, but we are disciples of Moses.
29Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.
29We know that God spoke to Moses; but [as to] this [man], we know not whence he is.
30Munhu akapindura akati kwavari: Nekuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.
30The man answered and said to them, Now in this is a wonderful thing, that *ye* do not know whence he is, and he has opened mine eyes.
31Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu unomunzwa.
31[But] we know that God does not hear sinners; but if any one be God-fearing and do his will, him he hears.
32Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu.
32Since time was, it has not been heard that any one opened the eyes of one born blind.
33Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haazaigona kuita chinhu.
33If this [man] were not of God he would be able to do nothing.
34Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachose wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.
34They answered and said to him, Thou hast been wholly born in sins, and thou teachest us? And they cast him out.
35Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?
35Jesus heard that they had cast him out, and having found him, he said to him, Thou, dost thou believe on the Son of God?
36Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?
36He answered and said, And who is he, Lord, that I may believe on him?
37Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye ndiye unotaura newe.
37And Jesus said to him, Thou hast both seen him, and he that speaks with thee is he.
38Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.
38And he said, I believe, Lord: and he did him homage.
39Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauyira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.
39And Jesus said, For judgment am I come into this world, that they which see not may see, and they which see may become blind.
40Uye avo vevaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?
40And [some] of the Pharisees who were with him heard these things, and they said to him, Are we blind also?
41Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinoramba chiripo.
41Jesus said to them, If ye were blind ye would not have sin; but now ye say, We see, your sin remains.