1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura, akati,
2Muchateyana namashoko kusvikira rinhiko? Chimbofungai henyu, tigotaurirana pashure.
3Tinonzi mhuka neiko, Navanhu vasina kunaka pamberi penyu?
4Iwe unozvibvarura nokutsamwa kwako, Nyika ingarashwa nokuda kwako kanhi? Kana dombo ringabviswa panzvimbo yaro here?
5Zvirokwazvo, chiedza chavakaipa chichadzima, Murazvo womoto wake haungavhenekeri:
6Chiedza chichasviba patende rake, Mwenje wake pamusoro pake uchadzima.
7Nhambwe dzesimba rake dzichadzorwa, Namano ake achamuwisira pasi.
8nekuti anowisirwa mumumbure namakumbo ake amene, Anofamba pamusoro pezvakarukwa.
9Rugombe ruchamubata chitsitsinho, Musungo uchamubatisa.
10Anovanzirwa chishwe muvhu, Nomurau panzira.
11Uchavhunduswa nezvinotyisa pamativi ose, Zvichamuteverera pedo-pedo.
12Simba rake richarumwa nenzara. Njodzi icharindira kugumburwa kwake.
13Ichapedza mitezo yomuviri wake, Dangwe rorufu richapedza mitezo yake.
14Uchadzurwa patende rake raaivimba naro; Uchaiswa kuna mambo anotyisa.
15Mutende rake munogara zvisati zviri zvake; Suriferi ichasaswa pamusoro peimba yake.
16Midzi yake ichaoma pasi, Davi rake richatemwa kumusoro.
17Haangazorangarirwi panyika; Zita rake haringazozikamwi panzira dzomumusha.
18Achadzingwa pachiedza aende kurima; Achadzingwa abve panyika.
19Haangavi nomwanakomana kana muzukuru pakati pavanhu vake, Kana mumwe akasara, paakanga agere ari mutorwa.
20Vanogara kumavirazuva vachakanuka vachiona zuva rake, Vagere kumabvazuva vachabatwa nokubvunda.
21Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita panogara vasina kururama, Ndiyo nzvimbo yousingazivi Mwari.