Shona

Gujarati: NT

Job

19

1Ipapo Jobho akapindura, akati,
2Muchatambudza mweya wangu kusvikira rinhiko, Nokundipwanya namashoko enyu here?
3Makandituka zvino kagumi; Hamunyari zvamakanditsungirira.
4Kana ndichinge ndatadza hangu, Kutadza kwangu kuchagara neni.
5Kana imwi muchida kwazvo kuzvikudza pamusoro pangu, Nokundipa mhosva muchiti ndakatukwa;
6Zivai zvino kuti ndiye Mwari asina kundiruramisa, Akandikomberedza nomumbure wake;
7Tarirai ndinochema ndichiti, Ndakaitirwa zvakaipa! Asi handinzwiki; Ndinochema kuti ndibatsirwe, asi handiruramisirwi.
8Akadzivira nzira yangu, kuti ndirege kupfuura; Akaisa rima panzira dzangu.
9Wakandibvisira kurumbidzwa kwangu, Nokunditorera korona yangu pamusoro wangu.
10Akandiputsa kumativi ose, ndakaparadzwa; Akadzura tariro yangu somuti.
11Akandimutsirawo kutsamwa kwake, Akati ndiri mumwe wavadzivisi vake.
12Hondo dzake dzinondiunganira, dzinozvigadzirira nzira kurwa neni. Dzinokomberedza tende rangu nemisasa yadzo.
13Akaisa hama dzangu kure neni, Vazikamwi vangu vava savatorwa chose kwandiri.
14Hama dzangu dzandinyengera, Shamwari dzangu, dzaindiziva, dzakandikangamwa.
15Vanogara mumba mangu, navarandakadzi vangu vanoti ndiri mubvakure; Vanondiona vachiti ndiri mweni.
16Ndinodana muranda wangu, asi haandipinduri, Kunyange ndichimunyengetera nomuromo wangu.
17Kufema kwangu kunosemesa mukadzi wangu, Ndinonyangadza vana vamai vangu.
18Kunyange navana vaduku vanondishorawo; Kana ndichisimuka, vanondipopotera.
19Shamwari dzangu dzose dzaindiziva, dzinondinzvenga, Vose vandaida vandifuratira.
20Pfupa rangu rinonamatira ganda rangu nenyama yangu, Ndasiirwa ganda rameno angu.
21Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imwi shamwari dzangu; nekuti ruoko rwaMwari rwandibata.
22Munonditambudzireiko saMwari, Musingaguti nenyama yangu?
23Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa zvino, Haiwa, dai ainyorwa nokudhindwa pabhuku.
24Dai aitemwa nepeni yedare nomutobvu Aitemwa padombo nokusingaperi.
25Asi ndinoziva kuti Mudzikunuri wangu unorarama, Uye kuti pakupedzisira uchasimuka paguruva;
26Kana ganda rangu raparadzwa pandiri saizvozvo, uye panyama yangu ndichaona Mwari.
27Ndichazvionera; uye meso angu achaona iye, kwete mumwe; itsvo dzangu dzapera mukati mangu.
28Kana muchiti, Tichamutambudza sei! Mudzi wemhosva zvauri mukati make!
29Ityai munondo, nekuti kutsamwa kucharohwa nomunondo, Kuti muzive kuti kutonga kuripo.