1Ipapo Zofari muNaamati akapindura, akati,
1ויען צפר הנעמתי ויאמר׃
2Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindura, Nokuda kokukurumidza kuri mandiri.
2לכן שעפי ישיבוני ובעבור חושי בי׃
3Ndakanzwa kutuka kunondinyadza, Mweya wokunzwisisa kwangu anondipindura.
3מוסר כלמתי אשמע ורוח מבינתי יענני׃
4Hauzivi here kuti kubva kare-kare, Kubva pakuiswa komunhu panyika,
4הזאת ידעת מני עד מני שים אדם עלי ארץ׃
5Kuti kufara kwavakaipa hakune nguva huru, Nomufaro wavasingadi Mwari kuti ndewechinguva?
5כי רננת רשעים מקרוב ושמחת חנף עדי רגע׃
6Kunyange kukura kwake kukakwirira kusvikira kudenga, Musoro wake ukasvikira kumakore;
6אם יעלה לשמים שיאו וראשו לעב יגיע׃
7Kunyange zvakadaro uchaparara nokusingaperi sendove yake; Vaimuona vachati, Aripiko?
7כגללו לנצח יאבד ראיו יאמרו איו׃
8Achabhururuka akaenda sokurota, akasawanikwa; Zvirokwazvo, achadzingwa sechinhu chinoonekwa usiku.
8כחלום יעוף ולא ימצאוהו וידד כחזיון לילה׃
9Ziso raimuona haringazomuonizve; Nyangwe nenzvimbo yake haingazomuonizve.
9עין שזפתו ולא תוסיף ולא עוד תשורנו מקומו׃
10Vana vake vachatsvaka tsitsi kuvarombo, Maoko avo achadzosera fuma yake.
10בניו ירצו דלים וידיו תשבנה אונו׃
11mafupa ake azere nesimba roujaya hwake, Asi achavata pasi naye paguruva.
11עצמותיו מלאו עלומו ועמו על עפר תשכב׃
12Kunyange kutadza kuchitapira mumuromo make, Kunyange akazvivanza pasi porurimi rwake;
12אם תמתיק בפיו רעה יכחידנה תחת לשונו׃
13Kunyange akazvichengeta, akaramba kuzvirega, Akaramba akazvichengeta mumuromo make;
13יחמל עליה ולא יעזבנה וימנענה בתוך חכו׃
14Kunyange zvakadaro zvokudya zvake zvinoshandurwa muura hwake, Zvava nduru yemvumbi mukati make.
14לחמו במעיו נהפך מרורת פתנים בקרבו׃
15Wamedza fuma, asi achairutsazve, Mwari achaibudisa mudumbu rake.
15חיל בלע ויקאנו מבטנו יורשנו אל׃
16Achasveta uturu bwemvumbi; Rurimi rwenyoka ruchamuuraya.
16ראש פתנים יינק תהרגהו לשון אפעה׃
17Haangatariri nzizi, Nehova dzizere nouchi namafuta.
17אל ירא בפלגות נהרי נחלי דבש וחמאה׃
18Zvaakabatira achazvidzosazve, haangazvimedzi; Haangavi nomufaro wakaenzana nefuma yake yaakawana.
18משיב יגע ולא יבלע כחיל תמורתו ולא יעלס׃
19nekuti akamanikidza nokurasha varombo; Akatora imba nesimba, asi haangaivaki.
19כי רצץ עזב דלים בית גזל ולא יבנהו׃
20Zvaakanga asingazivi kudzikama mukati make, Haangachengeti chinhu chimwe chaakanga achifarira.
20כי לא ידע שלו בבטנו בחמודו לא ימלט׃
21Hakune chinhu chakasara chaasina kuparadza; Saka kuguma kwake, hakungarambi kuripo.
21אין שריד לאכלו על כן לא יחיל טובו׃
22Pakati pezvakawanda zvefuma yake achamanikidzwa; Ruoko rwomumwe nomumwe ari panjodzi rucharwa naye.
22במלאות שפקו יצר לו כל יד עמל תבואנו׃
23Kana achida kugutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kukuru pamusoro pake, Achakunisa pamusoro pake, zvive zvokudya zvake.
23יהי למלא בטנו ישלח בו חרון אפו וימטר עלימו בלחומו׃
24Achatiza nhumbi yokurwa yamatare, Uta bwendarira huchamuboora.
24יברח מנשק ברזל תחלפהו קשת נחושה׃
25Unoivhomora, ikabuda pamuviri wake; muromo wayo unobwinya, unobuda panduru yake; Anotya kwazvo.
25שלף ויצא מגוה וברק ממררתו יהלך עליו אמים׃
26Rima rose rakachengeterwa fuma yake, moto usina kupfutidzwa nomunhu uchamuparadza; Uchapedza zvakasara patende rake.
26כל חשך טמון לצפוניו תאכלהו אש לא נפח ירע שריד באהלו׃
27Kudenga-denga kucharatidza zvakaipa zvake, Nyika ichamumukira.
27יגלו שמים עונו וארץ מתקוממה לו׃
28Zvakaunganidzwa mumba make zvichibva, Nhumbi dzake dzichayerera pazuva rokutsamwa kwake.
28יגל יבול ביתו נגרות ביום אפו׃
29Ndiwo mugove womunhu akaipa waanopiwa naMwari, Nenhaka yaakatemerwa naMwari.
29זה חלק אדם רשע מאלהים ונחלת אמרו מאל׃